‘Ndakarota ndichibhinya’
Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MURUME wekuMhangura akakatyamadza vanhu vaive mudare reChinhoyi Regional Court apo akazama kunzvenga mhosva yekubhinya mwanasikana wemudzimai wake ane makore gumi okuberekwa achiti akamubata chibharo ari kuhope…
Mutemo wakavandudzwa
Farai Machivenyika HURUMENDE yakavandudza mutemo weStatutory Instrument (SI) 122 of 2017 nechinangwa chekupa mvumo kumakambani neveruzhinji vane mari dzekunze kuti vatenge zvinhu zvinoshandiswa mazuva ose izvo zviri kushomeka nekuda kwemaitiro…
Ndiri kuenda kuAfcon: Chigova
Abel Ndooka MUBATI wepagedhi wechikwata chenyika chemaWarriors nePolokwane City yekuSouth Africa, George Chigova, anoti akarwadziwa zvikuru nekutadza kuenda kwaakaita kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) gore rakadarika nekudaro ari kushanda…
Mwana mucheche osanduka
Kingstone Mapupu MUKADZI wekuEpworth, muHarare, ari kuti mwana wake ane gore nemwedzi mitanhatu yekuberekwa haasi munhu sezvo achimbosanduka kuita chimwe chinhu chaasinganzwisise.
Zim ichapemberera World aids Day
Tadiwa Nyatanga-Pfupa NOMUSI waZvita 1 vanhu vazhinji vachange vakananga kuRujeko Secondary School kuGlendale, kuMazowe District mudunhu reMashonaland Central uko kuchange kuchiitwa mhemberero dzeWord AIDS Day (WAD).
Kudonha honye – ‘Kushereketa uko’
Muchaneta Chimuka IMWE nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti nyaya yemukomana anonzi ava kubuda honye mushure mekunge aitwa mukadzi nechimwe chizvarwa chekuNigeria ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yekuromba.
Vana vane hurema vosimudzirwa
Tandayi Motsi GURUKOTA revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Dr Sekesai Nzenza, vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekusimudzira upenyu hwevana vanorarama nehurema, kusanganisira kuti vawane mukana wekudzidza zvakaenzana nevamwe vane mitezo…
Akamitisa amai vake
Kingstone Mapupu MHURI inogara kuDzivaresekwa Extension Phase 1, muHarare, asi kumusha ichibva kuChiweshe, yashaya pekutangira zvichitevera nyaya yemwanakomana uyo akamitisa amainini vake —amai vake mbune — vachiti kutamba ‘‘sekumahumbwe”.
Mbavha yakatadza kutaimira
Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza akaigochera pautsi apo akapaza imba yevaridzi achifunga kuti vainge vasipo, ndokubatikidzwa achangopinda izvo zvakaita kuti asungiswe.
Kana zviri zvako, ko vamwe zvinei navo?
naIgnatius Mabasa NHASI regai imbwa imbopfeka hembe. Asi kana imbwa yapfeka hembe, muri kuda kuti ipfeke dzakaita sei?









