Mwana wekumbotorwa neshiri akura
Kingstone Mapupu MWANA wekwaGoredema, kuGokwe, uyo wekumbotorwa neshiri achiri mucheche – ikabhururuka naye kwechinhambwe ari mudenga, ndokuzomudonhedza pasi – ari kuyaruka zvisinei nekuti ane matambudziko anosanganisira kugara achirotomoka.
Vana vechikoro voroja
Kingstone Mapupu VAGARI vekwaMambo Chireya, kuGokwe North, vari kugunun’una nenyaya yevana vanobva kure vachidzidza pachimwe chikoro cheko avo vavanoti vanoroja padzimba dziri mumisha iri padyo nenzvimbo yemabhizimisi izvo zvinonzi zvave…
Vakadzi vorwira murume kuchechi yekwaMwazha
Lizzy Mushoriwa MADZIMAI vahosi nanyachide pabarika vakamutsa zvimbokoma pachechi yavanopinda yeAfrican Apostolic Church yekwaMwazha vachirwira murume zvikaita kuti nyaya iyi ipedzisire yasvika kudare redzimhosva.
Mungano zvinhu zvose zvinoitika
Munyaradzi Gunduza UCHITSIGIRA nengano shanu, jekesa kuti kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki muupenyu, mungano zvinoitika. [25]
Ohwandira nemukadzi muzvikona
Gamuchirai Muzanenhamu SAMUSHA vekuoneswa ndondo nemudzimai wavakarambana naye uyo anonzi anovateverera kwavanoenda achida kuvarwisa neshamwari dzake vakazopotera kudare redzimhosva.
Kubviswa zita, kubirwa hunhu
HAPANA mwana akazvarwa pasi rino rese akatadza kupihwa zita, ongozoramba achingonzi “mwana, mwana”. Hazvigoni.
Akadira kasvava mvura inopisa
Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wechidiki wekuChitungwiza anonzi akapisa mwana wavatete vake kasvava mumusoro nemvura inopisa mushure mekunge vanetsana naamai vacho.
Kunyora mazita zvakanaka
Madham Chiks kuCHIVHU MASVONDO apera takataura nezvekupatsanurwa kwezviito pakunyora kunoita vana, tichiti chiito chingava chakareba sei, hachipatsanurwi kuita mashoko maviri.
‘Mufundisi unodanana nemudzimai wangu’
Janet Chari MUFUNDISI wekuenda kudare achida gwaro rekuzvidzivirira mushure mekupomerwa mhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi akazoshaya pekupinda nekunyara apo chikumbiro chake chakaraswa.
Mazita anotumidzwa vanhu nezvavanoita
Ticha Danga MUKUUNDA kwatiri kuita gura redu, regai timbotsveyamisa gejo kuitira mabhan’a ayo atingasiya mukuedza kwedu kunamatidza mavhinga ese kuti zviti tsvete tsvete pagoshaya kana panosaririra. Munda wakarimwa pachisiiwa mabhan’a…




