Arsenal yotungamira kutenga Havertz
ARSENAL ndiyo iri kutungamira pakuda kutenga mutambi wekuGerman wechidiki – Kai Havertz – kubva kuchikwata chake chaakakurira cheBayer Leverkusen.
Opatiswa musha nemasvosve
Kingstone Mapupu MUKADZI wechidiki anogara mumusha weshoroma weMshumavale, kuKadoma, anoti akatiza pamusha pake mushure mekurumwa nemasvosve emhamhatsi ayo aiva azara zvekuita “makomo” mudzimba dzavo nhanhatu nepachivanze.
‘Ngwarirai zvirwere zvezvipfuyo’
Malven Mugadzikwa VARIMI vokurudzirwa kuti vatore matanho akasimba ekudzivirira zvipfuyo zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyana zvemunguva ino yezhizha.
Holloway otsiva Ferguson
MAX Holloway akabvuma kurwa kumutambo weUFC 223 zvichitevera kuudzwa kwaakaitwa pasara nguva shoma kuti mutambo uyu uitwe ndokutsiva Tony Ferguson uyo akakuvara gumbo rake.
Zim musha wangu: Gayle
Abel Ndooka MUTAMBI wecricket weWest Indies – Chris Gayle – uyo aive muno masvondo adarika, anoti Zimbabwe musha wake uye anonzwa kusununguka zvikuru pose paanoshanya muno.
Mbudzi 100 mukombi 2
Kingstone Mapupu MBAVHA dzinorura dzinonzi dzakaba mbudzi 100 husiku humwe chete kwaMurambinda, kuBuhera, inova nyaya yasiya vagari veko vazere nekushushikana zvose nekutya kukuru.
‘Ne2 poinzi unotorwa kuyunivhesiti’
Tandayi Motsi GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina — Professor Amon Murwira — vanoti munhu anokwanisa kuenda kuyunivhesiti nemapoinzi maviri chete asi mayunivhesiti akawanda anoti anoda mapoinzi mazhinji se13 kana…
Runyararo pasarudzo: Zrp
Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti zvakakosha kuti mapoka akasiyana aite mushandirapamwe wekuona kuti sarudzo dzezvematongerwo enyika idzo dzinotarisirwa kuitwa munguva inotevera dzaitwa murunyararo.
Zim yoronga kupedza rurindi mugore ra2030
Muchaneta Chimuka HURUMENDE ine donzvo rekuti inge papedza chirwere cherurindi mugore ra2030 sezviri mumagwaro ebudiriro eUnited Nations Strategic Development Goals neWorld Health Organisation (WHO).
Musiyano wemusoro wemunhu newegudo
Munyori weKwayedza ONGORORO yeKwayedza padandemutande inoratidza kuti pane musiyano mukuru uripo pakati pedehenya remusoro wemunhu newegudo. Zvimwe zvacho ndezvinotevera:











