‘Tengai yunifomu kwamunoda’

Tandayi Motsi
ZVIKORO hazvitenderwe kumanikidza vabereki kutenga mayunifomu evana anotengeswa pachikoro sezvo iri kodzero yavo kutenga kwavanoona kwakakodzera, vanodaro Professor Paul Mavima avo vanove gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari.

Vakataura mashoko aya nguva yadarika mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation mudare iri, Sibusisiwe Bhudha-Masara.

Nhengo yedare iri iyi yaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi redzidzo kuzvikoro zvebhodhingi zviri kumanikidzira vabereki kuti vatenge mayunifomu anodhura ayo anotengeswa nezvikoro uye vachirambidzwa kutenga kumwe kunenge kuine mitengo yakaderera.

Prof Mavima vanoti bazi ravo rinokoshesha kodzero yekuti munhu wose awane dzidzo.

“Pamire bazi redu panyaya yekutenga mayunifomu ndepekuti vabereki nevamwe vanochengeta vana vanofanira kutenga mayunifomu kwavanoona kwakakodzera. Avo vari kumanikidzira vana kuti vatenge mayunifomu pachikoro hazvisi pamutemo uye bazi redu riri kuyambira zvikoro zvose, zvichitevera zvimwe zvakabva kuitika, kuti zviregere vabereki vatenge yunifomu kwavanoona kwakakodzera,” vanodaro.

Vachipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weKadoma Central mudare iri, VaFani Phanuel Phiri, Prof Mavima vanoti chikoro cheRimuka Primary, icho chiri kuKadoma, chichange chichivhurwa kuti vana vadzidze munguva pfupi iri kutevera kana zvose zvinodiwa kuti chishande zvakanaka zvavapo.

VaPhiri vaida kuziva kuti chikoro ichi chichapedzwa kuvakwa rinhi.

Prof Mavima vanoti chikoro ichi chakatanga kuvakwa muna 2014 pasi pechirongwa chePublic Sector Investment Project (PSIP). “Pari zvino pavakwa makamuri ekudzidzira 2 x 4. Zvimbuzi zvakapedza kuvakwa zvakare. Kamuri inoshandira vanhu (administration block) haisati yavakwa.

“Chikoro ichi chagadzirira kunge chichivhurwa nekutora vana asi pane kunonoka kuripo pakuiswa kwepombi dzinofambisa tsvina pachikoro kuti dzibatanidzwe nepombi huru dzekanzuru,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti Hurumende yakapa $800 yekuti pombi dzinofambisa tsvina dzepachikoro ichi dzinge dzichibatanidzwa nepombi huru dzekanzuru asi kanzuru yeKadoma iri kutora nguva kuti iite basa iri.

“Chikoro ichi chatomirira kuvhurwa apo pombi dzinofambisa tsvina dzinenge dzave kushanda,” vanodaro.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×