Vana 4 vorova baba naamai

Lizzy Mushoriwa
BABA vanorohwa pamwe chete nemudzimai wavo nevana vavo vakazopotera kudare vachiti havachadya rinopisa.

James Chigangaidze akamhan’arira vana vake vana vanoti Enerst, Julia, Muchaneta naDavid kuHarare Civil Court achida kuti vamiswe kumutuka, kumurova, kumudzinga pamba uye kuda kumurambanisa nemudzimai wake mudiki.

“Vana ava vandinetsa changamire, ndashaiwa rugare pamba pangu. David anondirova ini nemudzimai wangu mudiki, anotora makiyi epamba okiya magonhi ndogara panze.

“Akatondidzinga pamba, chinangwa chake ndechekuti ndirambane nemudzimai wangu chete,” anodaro James.

“Enerst anoti ndakapfuhwirwa nemukadzi wangu ndokusaka ndichimuda saka anoda kuunza munhu anondirutsisa mupfuhwira wacho. Ndinotoshaya kuti vanozviwanepi, zvimwe chete naMuchaneta naJulia, vanorova mukadzi wangu nekuti vanoti haasi amai vavo. Handidi kutukwa, kurohwa kana kudzingwa pamba nevana ava,” anodaro James.

David anopikisana nechikumbiro chababa vake achiti haana kumbovadzinga pamba asi kuti ndiye muridzi wepamba apa.

“Vanonyepa, handina kumbovadzinga. Ehe makiyi ndinawo nekuti ndini muridzi wepamba apa mapepa ndinawo asi ndaasiya kumba,” anodaro.

Muchaneta anoti bopoto rese rakatanga apo James akaramba kuenda kuchipatara paakamborwara.

Julia naEnerst vanopikisanawo nababa vavo vachiti havazi kuvashungurudza.

Mutongi Yeukai Dzuda akati James naDavid vanofanira kuuya kudare nemagwaro anoratidza kuti imba ndeyani pakati pavo apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *