A-LEVEL: Madingindira ari munyaya

Munyaradzi Gunduza MADINGINDIRA anobuda munyaya: Rudo, umhondi, huori, mhirizhonga yemudzimba, dzidzo, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, vanhukadzi, nemamwewo. RUDO: Rudo rwunobuda rwuri irwo rwunosundira nyaya mberi apo Stanley anenge achitora matanho akasiyana…

‘Utano kuvanhu’,…Chirongwa chekusimudzira utano muZim chakaparurwa

Muchaneta Chimuka HURUMENDE — yakabatana nesangano reWorld Health Organisation neUnicef — svondo rapera yakaparura chirongwa chine donzvo rekusimudzira nekusimbaradza nyaya dzeutano munyika, cheNational Health Strategy 2016-2020. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi

Zviratidzo zvechirwere chemalaria

Muchaneta Chimuka SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vatore matanho ekuzvidzivirira kubva kuchirwere chemalaria, zvikuru munguva yekunaya kwemvura apo humhutu hunenge hwakawanda. 

‘Shirikadzi dzine kodzerowo’

Malven Mugadzikwa VANHUKADZI — zvikuru shirikadzi — vanokurudzirwa kuti vave neruzivo pamusoro pekodzero dzavo panyaya dzine chekuita nenhaka yezvinhu zvavanenge vashanda pamwe chete nevarume vavo. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naMai…

Morocco: Kumagumo kune nyaya

MUKURU mukuru, hanga haigari pfunde! Hazvina kusiyana nokuti hapana zuva rinobuda, rimwe risati ranyura. Vamwe tinotadza kuzvigamuchira, nokuti tinenge tichida chokwadi chinofambirana namafungiro edu. Kupera kwomwedzi waNdira, kwairevawo kuti sangano

‘Hationane natezvara’

Tafadzwa Mutsotso MUKUWASHA anoti ashaiswa rugare nekugara achizvindikitwa kurohwa nemadzitezvara ake pose paanovashanyira kumusha kwavo achida kuona vana vake zvichitevera kurambana kwaakaita nemudzimai wake. Vincent Zvinavashe akamhan’arira Sandra Chimonyo kudare reHarare

Ndakaroyiwa here ini?

MUBVUNZO: Sekuru, ini ndakanzi neimwe hama yangu “uchazviona” ndokunditizve handife ndakaroorwa kana kuite vana kweupenyu hwangu hwose. Nanhasi handina kuroorwa uye mwana handina. Saka toti ndakaroyiwa here? MHINDURO: Muzukuru iwe…

Nadal ombozorodzwa

RAFAEL Nadal akasiiwa muchikwata cheSpain Davis Cup icho chichakwikwidza mumutambo weWorld Cup first-round match neCroatia svondo rino nekuti zvinonzi mutambi uyu akaneta zvikuru. 

Tinopa vana vose mukana – Dokora

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rine chirongwa chekuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende vawane mukana wekudzidza zvisinei nehushoma hwavo.

MaWarriors makatikanya: Vatsigiri

VATSIGIRI venhabvu muZimbabwe vari kudya marasha zvichitevera matambiro akaita chikwata chenyika chemaWarriors kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon), kuGabon izvo zvakaona achiburitswa mumakwishu aya vasina kana kumbohwinhawo.

×