‘Haunyare hanzvadzi yakoba?’

Trymore Muvhawa IMWE chembere yakachema-chema mudare redzimhosva pamusoro pehunhu hwemuzukuru wayo, anove mwana wehanzvadzi, uyo anonzi anoshinha neshamwarikadzi dzake apo hanzvadzi yake inenge ichiona.

Amai voparika baba nemwana

‘Hongu, taidanana naTapera’ ‘Ndiye nyakundikanda shoko’ RUDO pakati pemwanakomana naamai vake rwakapisa zvekusvika pakuti mwana uyu anobvisa rimwe roora kumadzisekuru kwaberekwa amai ava asi baba vake varipo, vachitogara vose mumba…

Chokwadi matiregerera: Muzongondi

KAPUTENI wechikwata chenhabvu chenyika chemadzimai chemaMighty Warriors, Felistas Muzongondi, ari kutsutsumwa zvikuru nekuda kwemafambiro egadziriro dzavo dzekuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrican

Vanorarama neHIV votsvaga rubatsiro

CHIKWATA chemadzimai anorarama neutachiona hweHIV neAIDS kuNyanga chiri kutsvaga rubatsiro rwemapombi ekudiridzisa minda yavo yemadziridziro zvichitevera kunetsa kuri kuita mvura mudunhu iri.

600 vodzidziswa nemapurisa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kutendwa nebasa raari kuita rekubatsira vana nherera vanosvika 600 nemari dzechikoro pasi pehomwe yePolice Commissioner-General’s Charity Fund.

Nemadora: Unozodei?

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka SVONDO rino VaJoseph Makonese vekuSunningdle 3, muHarare, vanotsanangura pamusoro pemabikirwo emadora. Madora kudya kunonaka uye kuchivaka muviri. Kana uine madora parwendo, usakanganwe kutakura

Zvitoro zvinotengesa mbeu yeSeed Co

Charles Munyoro MAKADII varimi? Nhasi tinoda kukurukura nezve kwamunokwanisa ketengera mbeu yenyu yakauchikwa nenyanzvi dzeSeed Co.

Ngatibatanei: Papa Mike

MUIMBI wemusambo weZim-Afro, Mike Nesongano, anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira nyika.

Hari ine ropa tsve pa‘door’

Duri rakaputirwa nejira padivi Zvinyama ndokuitwa gatakata IMWE mhuri yemumusha weBudiriro 5B, muHarare, yakambodzvamuka ichitiza pamusha nemusi weChipiri svondo rino apo yakafumoona duri raive rakaputirwa nejira dema, nehari nemugomo zvainge…

NeMoneyMaker unokohwa pakuru

AKURUMA nzeve ndewako, varimi vefodya heunoi mukana wekuti munge muchizvirimira fodya yenyu yemhando yepamusoro kuburikidza nemadiridziro echitso-tsoka eMoneyMaker Max Pump.

×