chikomba chonamira pamukadzi wemunhu
‘Nemurume wake tinozivana’ ‘Ndinomuponda kana kuzviuraya’ MUDZIMAI wekuChitungwiza — wekuita gumbo mumba, gumbo kunze iye akaroorwa — akazvisikira moto muziso sezvo chikomba chake chiri kuramba kurambwa zvisinei nekuti chinozviziva kuti…
B & P yakaita mufamba nyore
Vana vakashanya kuVic Falls nendege VaJimmy Muwodzeri, avo vanove murongi wechirongwa ichi, vanoti izvi zvakakosha zvikuru munyaya dzekudzidza.VANA vepachikoro cheB & P Study Centre, iri kuChitungwiza, svondo rapera vakawana mukana…
‘Mutengo weropa ngauderere’
Mashoko aya akataurwa svondo rapera nasachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezveutano nekurerwa kwevana, Dr Ruth Labode, apo nhengo dzekomiti iyi dzaimema muzinda wezveropa, weNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), uri muHarare.HURUMENDE…
Kudyara chibage chekugocha muchando
Mudhumeni Mukuru John Basera CHIBAGE chekugocha ibhizimisi rinoitwa nevarimi vachiitira kuvandudza mari papurazi inozoshanda kuhoresa vashandi, kutenga zvibatiso, mishonga, mafetireza nembeu vachigadzirira Zhizha. Tikaisa mari inopfuura churu nemazana maviri ($1…
Econet yotendwa neParamende
KAMBANI yeEconet iri kurumbidzwa nekubatsira kwairi kuita mukusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuyamura vana vanoshaya vanodarika 76 000 kubvira padanho repuraimari kusvika kuyunivhesiti nemari dzechikoro nezvimwe zvekushandisa mufundo.
Ndasakura ndazunza: Zhakata
ANENGE ari makuwerere svondo rinouya neChishanu kuHarare International Conference Centre (HICC) uko muimbi ane mukurumbira Leonard Zhakata nechikwata chake cheZimbabwe All Stars vanenge vachiparura dambarefu ravo rechi21.
Rwatata: Nyama yevazukuru
ZVICHITEVERA chikumbiro chevaverengi veKwayedza maringe nemabikirwo enyama yerwatata, svondo rino tinokupakurirai makangirwo enyama yakapfava iyi zvichibva kunyanzvi yezvekubika, VaTaurai Vheremu avo vanoshanda paimwe nzvimbo yekutandarira vanhu vachidya muHarare.
Zim ichabatsira S. Sudan mukuvandudza dzidzo
Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reSenate nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation wekuManicaland, Senator Shadreck Tongesai Chipanga.GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vane hurongwa hwekushanda…
Musapute fodya paruzhinji: Parirenyatwa
VANHU vanoputa fodya vanokurudzirwa kuti vasaputire panzvimbo dzinenge dziine veruzhinji sezvo zvichikanganisa utano hwevamwe uye imhosva kuita izvi.
‘Hatichada kuona mahwindi’
‘Vave kuita madiro, masikati’ ‘Vemutemo vakurirwa here?’ ZVICHITEVERA kubuda kwenyaya yekurwiswa nekubirwa mari kwemunyori weKwayedza, Kingstone Mapupu, nematsotsi emahwindi kuMbare Musika svondo rapera, vaverengi vakawanda vari kushora nhubu idzi vachiti…











