Monica ava nepamuviri paVaMugoti

“Munhu Wenyama” Nyaya yacho (Enderero mberi): VaMugoti vanoti Mbuya Muswa vanongoita sokuda kwavo, havasi kuvarambidza kuti vambonoona vazukuru vavo.

Makarwa mumire vana vevhu

naChristine Mudekwe Chaiva chapwititi hondo ichitsva paChimoyo kuMozambique. Uko Zanu yakatungamirira, apo paiva negamba guru remagamba.

Ndinodya nyama yevanhu: Mwana (13)

MWANA wechipositori ane makore 13 okuberekwa wekwaSeke ari kuita kuimba chaiko achizviti muroyi wemandiriri uye anonakirwa nekudya nyama yevanhu iyo yaanotora kumakuva, asi kana vashaya yevanhu anodya

Hapana dhiri: Silva. . . kunetsana kwangu naMuzadzi haizi nyaya

MURAIRIDZI weDynamos FC — Paulo Jorge Silva — anoti haaone pane chakaipa kana akanetsana nevatevedzeri vake vanoti Gift Muzadzi naLloyd Mutasa nenyaya yebasa sezvo vose vari kushanda zvakasimba kubatsira chikwata

Chirwere cheshuga chinorapika

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti chirwere cheshuga chinokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekudya chikafu chisina tsvigiri yakawandisa pamwe nekugara munhu achiita mitambo

Michelle: Zvangu zviri muropa

MICHELLE Tawanda Bwititi, mushamarari ari kupisa panhepfenyuro yeDiamond FM – iyo yazunguza vakawanda kuManicaland – anoti zvekuguma ashandira kambani yenhau zvagara zviri maari.

Zvikoro, makirabhu zvobandana

ZVIKWATA zvezvikoro nemakirabhu zvemitambo yakasiyana zvekuChitungwiza zvinotarisirwa kukwikwidza munguva pfupi iri kutevera mumakwishu eChitungwiza Youths Sports Gala.

‘Bvisai mbavha muzvikoro’

VABEREKI nevadzidzi vanoti vakuru vezvikoro pamwe nevanoona nezvemari dzemalevy vanenge vabatwa nemhosva yekushandisa mari idzi zvisiri izvo vanofanira kumiswa mumatare edzimhosva, votongwe senzira

Kugadzirira kukohwa zvirimwa

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig ZVIRIMWA zvinonzi zvaibva kana zvichinge zvabviswa mumunda. Zvakangofanana nemwana wenyu, munomuriritira kusvikira mamurumura kana kuti ayaruka, abva pamusha penyu.

Mukadzi kuzviroora: Inoitawo here iyoyo? l ‘Murume anogara achishainirwa’ l ‘Hapana chakaipa, chikuru rudo’

“AIWA tibvire apa! Uri kuti John akabvisa mari yakawanda chaizvo paakaroora musikana wake Joyce, svondo rapera? Mari yacho akaiwanepi $8 000 yaunotaura kuti akabvisa seroora? John haashande, musvuu zvake uye

×