Kambo kerusununguko rweZim

MUIMBI ari kusimukira, Dennis Dausi (27), uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Madzibaba Teaspoon akabura kambo katsva kekurumbidzwa zuva rakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere kanonzi 18 April.

Kana malevels ari low low

IMBWA HAIHUKURE SADZA SVONDO rino takapemberera rusununguko rwenyika yedu, makore 36 ekuzvitonga. Ndakafara nemashoko aPresident Mugabe pamhemberero dzerusununguko pavakati, “Nhasi uno patiri kupemberera makore 36

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 40 nevana 2 ndotsvagawo mudzimai wekuroora ane makore 28 . . .

MAKADII veKwayedza? Ndiri mudzimai ane makore 36 nevana 3, HIV positive uye ndinotsvagawo murume ari pachokwadi ari positive seni. Ngaave anoshanda asina mukadzi, anonamata asingapute fodya kana kunwa doro.

B and P yovandudza zvikoro

ZVIKORO zveB and P Study Centre zviri kuenderera mberi mukusimudzira fundo munyika zvichitevera kuvandudzwa kuri kuitwa zvimwe zvacho kuti zvive mabhodhingi kunzvimbo dzakaita sekwaSeke.

Chemai nevanochema

MASVONDO maviri apfuura kusvika musi woMuvhuro 18 Kubvumbi, mazuva ange akagukuchira. Aive masanganiswa – kuchema zvese nomufaro.

‘Harisi basa remuroora’

VERUZHINJI vanoshora zviri kuitwa nevamwe varoora vaviri vekuBulawayo avo vari kupanana majana ekugezesa tezvara vavo vachivabvisa nekuvapfekedza hembe.

MAONERO EDU: Chivi chinodya mwene wacho

VAKURU vane chirevo chinoti chivi chinodya mwene wacho. Zvichireva kuti munhu ukaita chinhu chakaipa unowana mubairo wako.

Tsumo dzakadzika

Ticha Danga DARIRO retsumo ratakadai kubata rwendo rwuno rakakura. Zvoreva izvo kuti nyaya yetsumo tinobata pano neapo tichitanhaura dziya dzatinofunga kuti dzakavanzika kuruzhinji

‘Ndinorohwa namadhamu’

Yvonne Chidochashe Manyanja MURUME ari kudzidzira basa rehukoti anoti aoneswa pfumvu nemukadzi wake uyo waari kupomera kuti anomurova pamwe nekupisa mayunifomu nemabhuku ake ekuchikoro. Hoseni Juma akamhan’arira Maria Juma kuHarare…

Ofemeswa nemukadzi

Amager Mufema MUKADZI wekunzi aiita shaisano kuburikidza nekugara achifona pese-pese pamwe nekutumira mashoko panhare yemurume waakaramba naye akamiswa mudare redzimhosva.

×