‘Mweya wetsvina unondidariso’

Yvonne Chidochashe Manyanja TEZVARA wekuzvambaradza hanzvadzi yake pamwe chete nemuzukuru achivarova pamazamu apo anoti akange abatwa nemweya wetsvina akazozvidemba mukuwasha wake oda kumurikita nekuda kwenyaya iyi.

Gokwe: ‘Handi vose vanoroya’

MBIRI yekuti kuGokwe kune huroyi hunokunda ngoma kurira inonzi haibvi kuvagari veko asi kuti yakaunzwa nevanhu vakabva kunzvimbo dzakasiyana avo vaitizira kudunhu iri vadzingwa kwavaigara.

Maita upombwe padunhu . . .Mwana akapfimba amai

‘Inhema, ndakavawanikidza vaine chikomba’ MURUME wekwaMusana, kuBindura, svondo rapera akaripiswa mbudzi mbiri nedare rasadunhu weko mushure mekukonwa nemhosva yekupfimba amai vake.

Vakasara nebhokisi chitunha chatorwa

VANHU vaiva panhamo yemurume akafa nekuny’ura mumvura mudhamu reGulliver kwaMusana vakashaya neremuromo mushure mekunge hama dzemufi nevavakidzani vake vakange vokakavadzana pamusoro pekuti mufi

Vakamuka pamba pacherwa makuva 5 . . . Mumwe ndokufa asina kurwara . . . Mabasa ehuroyi aya: Sabhuku

VAGARI vekwaMashayamombe, kuMhondoro, vakasara vasina neremuromo apo vakafumoona pane mumwe musha pakacherwa makuva mashanu matsva, nechepakati pawo pakapunzirwa hari nekuiswa machira matsvuku

Akarohwa nemheni pachipatara

MURUME wechidiki akarohwa nemheni akafa nemusi weMugovera wadarika pachipatara cheChitungwiza Central Hospital apo akange aenda kunoona sekuru vake avo vairwara.

‘Mapurisa ekumajeri shandai negwara’

MAPURISA anoshandira kumajeri anokurudzirwa kuti ape mucherechedzo wakanaka kuvasungwa uye kuti vashande basa ravo nemazvo.

Huwori munhabvu bodo: Katsande

KAPUTENI wechikwata chenyika chemaWarriors, Willard Katsande, akashora zvikuru huwori hunonzi huri kuitwa munhabvu zvichitevera kubuda kwakaita nyaya yekuti pane vamwe vaironga kutengesa mitambo yemaWarriors

Kudakwashe ari kutsvagwa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kutsvaga Kudakwashe Mandizvidza (18) uyo akatsakatika pakutanga kwegore rino.

Ipai vanhukadzi mikana: Emma Nyerere

VANHUKADZI vanofanira kupihwa mikana yakaenzana nevanhurume mumabasa uye kutsigirwa mumabhindauko avanoita.

×