Harare yagadzirira maParalympics
PUROVHINZI yeHarare inoti yagadzirira kuenda kunohwapura menduru dzakawanda kumitambo yemaNational Paralympics Games iyo ichaitirwa kuGwanda muna Kurume.
ILO yosimudzira vechidiki
SANGANO reInternational Labour Organisation rovandudza mabasa ekurima evechidiki kudunhu raMambo Njelele, kuGokwe kuburikidza nekuvaisira madiridziro, kuvapa mbeu nerumwe rubatsiro runodiwa pakurima.
Zondo: Mutakunanzva chaiwo
NYAMA yemazondo inofarirwa nevanhu vemazera ose uye kana ikabikwa zvakanaka, inhapi-tapi zvekuti kunyangwe vasina mazino vanongodyawo.
Bhuku idzva remitupo
MUNYORI achiri kusimukira, Struggle Dhlamini, anoti akanyora bhuku idzva riri pamusoro pekwakabva mitupo yakasiyana yemuZimbabwe uye zvainoreva.
‘Nehoreka’ akabura dambarefu rechipiri
MUIMBI wechidzimai ari kusimukira, Tabeth “Nehoreka” Zinhu (32) anoti akasiya zveZim Dancehall, ave kuridza musambo wembira uye parizvino akatobura dambarefu idzva.
Matuke ovakisa makiriniki
VANHU vanosvika 12 000 vekuGutu Central, kuMasvingo, avo vange vari kufamba nzendo refu kuenda kunorapwa, vari kutarisirwa kubatsirikana zvikuru zvichitevera kuvakiswa kwemakiriniki matatu nemumiriri
Akabviswa chiri kumeso
NYAYA yekuda kusasana neshamwarikadzi yakazopindukira murume wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, uyo akazoyeuka bako aniwa apo akabirwa $60 zvikaita kuti vaendesane kumatare edzimhosva.
Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 41 nevana 2 . . .
MAKADII zvenyu? Ndiri mudzimai ane makore 42 nevana vatatu ndinotsvagawo murume ari pachokwadi nemba ane makore 45 zvichikwira. Ndinobatika pa0712 509 792.
Tapson abatwa, ndokuzvitotesa
“Kugona mbava huirongera” naWinnie Zulu (73-78) ONGORORO (Edererro mberi):
America iri kutsvaga chii muZim?
MUKWENDE anogarotaura kuti benzi rikaramba rosekererwa parufu, hazvizokushamisai mave kuona rave kusimudza chitunha rotiza nacho.






