MAKORE 2 ARI MUSVO, AKAZVIPFIGIRA MUMBA . . . ‘Ndichazobuda panze munaSeptember’
PANE murume wechidiki akwanisa makore maviri akazvivharira mumba umo anogara ari musvo kuBudiriro 2, muHarare. Mumba umu mune nhumbi dzinonzi ndedzaamai vake idzo akarambira nadzo kuti dzigovewe pavakashaya.
Kapfupi akarohwa naMai Nga? . . . ‘Hakusi kurohwa, ndakakuvadzwa nefeni remota’
MUIMBI uye ari mutambi wemadhirama ane mukurumbira, Freddy “Kapfupi” Manjalima, akakuvara ruwoko rwake uye pane runyerekupe rwuri kuti akazvambaradzwa kurohwa nemukadzi wake.
Matangira ovakisa zvikoro
MUMIRIRI weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vari kushingaira kusimudzira dzidzo mudunhu iri kuburikidza nekuvaka zvikoro zvitsva pamwe nekuvandudza zvimwe zvezvagara zviriko.
MUTSAI TENESI: WAYNE . . . ‘Zim iri kudzoka pamusoro’
“BABA vangu ndinovatenda chose nekuti rutsigiro rwavo ndirwo rwakaita kuti ndive shasha yepasi rose mumutambo wetenesi,” anodaro Wayne Black, uyo akaita mukurumbira nekuhwinha mikombe yeWimbledon neUS Open mazuva aainge achapisa.
‘Vanhukadzi ndivo musimboti wenyika’
NEMUSI weChipiri svondo rino, Zimbabwe yakabatana nepasi rose mukupemberera zuva revanhukadzi, reInternational Women’s Day, iro rine donzvo rekucherechedza kukosha kwevanhukadzi nemabasa makuru avanobata.
Kasikana (13) koita zvinorova nechess
KASIKANA kanodzidza paMupfurudzi Primary School, kuShamva, kari kushura mare mumutambo wechess izvo zvaona kachihwinha menduru shanu, mukombe pamwe chete nezvitupa mumitambo yakasiyana yemuno neyekunze kwenyika.
Nyama yetsuro: Ramba waraira
Zviri muGapu TSURO imhuka inogona kuvhimwa musango asi dzimwe dzacho dzinopfuyiwa pamusha uye nyama yacho ndekumwe kudya kunonaka muviri zvikuru kana ichinge yabikwa zvakanaka.
Tiri kuda ropa: Parirenyatwa
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanokurudzira veruzhinji kuti vape ropa senzira yekuderedza matambudziko ekushomeka kwaro munyika, zvikuru kuNational Blood Service Zimbabwe (NBSZ).
Varimi vochema nekupwa kwedhamu
VARIMI vekwaSabhuku Muroyi kwaShe Nhema, kuZaka vochema-chema zvichitevera kupwa kwakaita dhamu reChinyika iro raivawanisa mvura yemadiridziro pasi pechirogwa cheChinyika Irrigation Scheme.
Mayweather oti haana hurongwa hwekukwikwidza
FLOYD Mayweather anoti haana hurongwa hwekudzoka kuzokwikwidza mumutambo wetsiva zvichitevera kusendeka kwaakaita shangu dzake asina kumbobvira akundwa gore radarika.











