Hakuna zvinorema: Sabhuku wechikadzi

SABHUKU wechikadzi wekwaMambo Njelele, kuGokwe, anoti hakuna chinoitwa nemunhurume chinotadzwa nemunhukadzi pasi pezuva. Sabhuku Rodgers, Mai Lydia Masuku (45), mumwe wemasabhuku mashoma echikadzi mudunhu raNjelele avo vanoti hapana chakasiyana

kana mukadzi agumbuka . . . Akatengesa masofa matsva $15 . . . Ndokubvarura hembe dzemurume

Yvonne Chidochashe Manyanja MURUME wekutengeserwa masofa ake matsva ne$15 nemukadzi wake pamwe nekutorerwa mbatya dzake dzaive dzakayanikwa pawaya kumba ndokunobvarurirwa kubasa kwake akazomhanyira kudare.

VeKwayedza ndanzwa nekutumirawo shambadzo yangu ndichishaya wandiri kuda. Ndiri mukadzi ane makore 27 . . .

HEVOI veKwayedza. Ndiri murume ane makore 30 okuberekwa uye ndinotsvaka mudzimai ane makore 27 kusvika 22 anoda kunotorwa ropa. Kana ane mwana ndinomuda asi ngaave asina kugarira mawoko uye anoziva…

Baba Keble Prosser: Gamba redzidzo

KUPERA kwesvondo (Kurume 5) vadzidzi vanhasi, nevaimbove vadzidzi, vadzidzisi nevabereki vakaungana kuchikoro chine mukurumbiura, cheSt Augustine Mission, kwaTsambe kuPenhalonga mudunhu reManicaland.

Maticha oridza marimba

VADZIDZISI kubva kuzvikoro zvinosvika 20 zvepuraimari nesekondari zviri kumativi mana enyika vari kufundiswa kuridza marimba nesangano reNational Art Gallery of Zimbabwe nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo izvi.

‘Mai mwana makandizadza hosha’

Janet Chikotosa MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achiti ari kumushungurudza anoti mudzimai uyu anomunyepera uye iyi inzira yekuda kunzvenga mhosva yake yekumutapurira chirwere chemukondombera.

Vodhakwa vari pabasa

VABEREKI vekuDomboshava, kuMashonaland East, vari kunyunyuta zvikuru nekatsika kavanoti kari kuitwa nevamwe vadzidzisi avo vari kuonekwa vachiraradza nedoro kumabhawa panguva yebasa uye vamwe vana vechikoro vari kuita hunzenza.

Ndoroorwa nemurume uyu here?

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri musikana ane makore 20 okuzvarwa. Dambudziko rangu rakamira seizvi: Ndine mukomana wandiri kudanana naye uyo akambenge akaroora uye ane vana vaviri. Vabereki vangu havasi kuzvitendera…

Itai: Kana mombe ndinobopa . . . Ndiye nhangaruvanze kuverenga nhau paStar FM

MUVERENGI wenhau panhepfenyuro ine mukurumbira yeStar FM, tsvarakadenga Itai Daisy Mutinhiri, anoti chishuwo chemunhu wose chinoguma chazadzikiswa bedzi kana pakave nekushingirira nekushanda nesimba.

$10 yekuchengeta mwana

MURUME wekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wake nenyaya yemendenenzi anoti anokwanisa kubvisa $10 pamwedzi yekuchengeta mwana wake sezvo achirarama nekuita marikicho anomuwanisa $5 pamwedzi.

×