Nzvimbo dzeForm 1 Chishanu chino

ZVIKORO zvose zvichapa vana nzvimbo dzeForm 1 dzegore rinouya nemusi weChishanu chino, 4 Zvita, zvichishandisa zvakawanikwa nevana ava pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec). Izvi zvakaziviswa negurukota redzidzo yepuraimari…

‘Mishonga yemaarv haifanire kushaikwa’

Muchaneta Chimuka SANGANO rinoona nezvemachiremba pasi rose, reDoctors Without Borders/M’edecins Sans Frontie’res (MSF), rinoti mishonga yema”anti-retroviral drugs” (ARV) inofanira kunge ichiwanikwa yakakwana munyika dziri mudunhu reSub-Saharan Africa kuitira kuti vari…

chitunha chakanhongwa chisina muromo nenzeve

Kingstone Mapupu VAGARI vemubhuku raFuramera, kwaMambo Chihota kuMarondera, vakava nekushamiswa kukuru svondo rakapera pamberi apo vakaona mutumbi weimwe chembere musango asi wakabviswa muromo nemaziso.  Mutumbi waMbuya Elizabeth Piroro, avo vanonzi

Vana ‘vakacheka’ chikoro

Memory Mangombe VANA vezvikoro zvakasiyana muguta reHarare nenyika yose vakabudirira zvikuru pabvunzo dzavakanyora gore rino dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) sezvo vakawanda vavo vakabuda ne4 units. Vakawanda vevana ava…

Fury huya tirwe zvakare: Klitschko

WLADIMIR Klitschko anoti achashandisa mukana waanawo kuti arwe zvakare naTyson Fury kwete kusendeka mutambo wetsiva. Klitschko (39) akanyorerana pasi naFury apo vari kurukura zvemutambo uyu kuti anopihwa mumwe mukana wekurwa hunge…

Kwakabva zita

MUZIMBABWE mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga…

icasa: ‘zvedu zvakabhadhara’

Muchaneta Chimuka MAPOKA akasiyana pamwe neveruzhinji vari kutambira nemufaro kuitwa kwemusangano mukuru muZimbabwe weInternational Conference on AIDS and STIs (ICASA). Musangano mukuru wakatanga muHarare nemusi wa29 Mbudzi uye unotasirirwa kupera nemusi…

Mancini achaedza kutenga Ivanovic

ROBERTO Mancini anonzi achaedza kutenga Branislav Ivanovic kuti agouye kuzotambira Inter Milan uye nekumupa kondirakiti yemakore maviri. Kondirakiti yaIvanovic kuChelsea inotarisirwa kupera mwaka uno uye anogona kutanga kutaurirana nezvimwe zvikwata…

Mamiriro epsl log

CLUB P W D L F A PTS CHICKEN INN F.C. 30 18 7 5 45 23 61 DYNAMOS F.C. 30 15 12 3 36 20 57 FC PLATINUM 30…

Nyanduri wePLD BOOKSHOP

Nyanduri wePLD BOOKSHOP MWANA anenge anyora detembo rake rikabuda muKwayedza achazviwanira mubairo mukuru wekutenga mabhuku anokosha US$20 kubva kuchitoro chemabhuku chePLD Bookshop. Akahwinha svondo rino ndiLoreen Gandiwa wemuGrade 2 Blue…

×