‘Ipai mari kuhomwe yeznfp’
TAKATARISANA nenhau yekubvisa pamuviri, vamwe vangati senyika dai kubvisa mimba kwatenderwa asi takabva kunyora nekubvumirana mubumbiro remutemo zuro uno uko ruzhinji rwakati kwete, kwete kubvisa mimba
‘Ndakabhinywa Nematicha 2’
Malvern Mugadzikwa naMuchaneta Chimuka MUSIKANA nherera wekuMberengwa ari kurarama upenyu hunorwadza sezvo ari kugara achizvidya moyo nenyaya yekuti akabatwa chibharo nevarairidzi vaviri panguva dzakasiyana apo ainge achiita Form 2 neForm…
Kasvava kobuda mukaka
Malven Mugadzikwa MWANA kasvava kasikana kaye kekuGlendale, kuMashonaland Central Province, ako kakasunungukwa zvakanaka asi ndokuzotanga kukura mazamu mushure memazuva manonwe kazvarwa, kanonzi kave kubuda mukaka sezvinonzi munhu mukuru. Mai Theresa Dekwende…
‘Zvidhoma ndakazviendera kuRuwa‘
Daphne Machiri naMalven Mugadzikwa CHEMBERE iya yekuMsasa muHarare, yekunovhurisa docket kumapurisa mushure mekunge yafurufushwa nezvidhoma, inoti yakafurwa nemhepo mushure mekunge zvinhu izvi yazviendera kuMalawi. Mbuya Pelagia Munemo (73), vepanhamba 56 Amby…
Mbira: hwaro hwetsika …‘Ndidzo dzinobatanidza vapenyu nevadzimu’
Kingstone Mapupu MUSAMBO wembira kana kuti deze unonzi wakabatsira zvikuru mukurwiwa kwehondo yerusununguko rweZimbabwe apo dzairidzwa masvikiro achipa varwi gwara rakanaka rekufamba naro zvisinei kuti mazuva ano kune vamwe vanotarisira…
‘Ndanetswa nemupurwa’ …‘Hapana anouda here ndimupe?’
YAKAVE batai-batai pane mumwe musika kuBulawayo nemusi weChina svondo rapera apo mumwe murume wechidiki akasvikapo achidemba kuruzhinji achiti anoda kubatsirwa kuti mupurwa uri kumushungurudza pose paanenge ari usiyane naye. Nyaya iyi…
Turkey yakapa mabhezari 50
Muchaneta Chimuka VADZIDZI 50 vemuAfrica, avo vanosanganisira 18 vemuZimbabwe, vachawaniswa mabhezari ekunodzidza kuTurkey pasi pehomwe iri kutsigirwa nehurumende yenyika iyi. NeMuvhuro wadarika vadzidzi vakawanda vakashanyira muzinda wemumiririri weTurkey muno uko
warriors: makochi akaita zvinorova
Abel Ndooka KUBVA mugore ra1980 apo Zimbabwe payakawana kuzvitonga kuzere, chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chatungamirirwa nevarairidzi vakawanda, avo vamwe vacho vakabudirira zvikuru, kozoti vamwewo vasina kure kwavakaenda. Svondo rino Kwayedza yakaita
Makwikwi epool oitwa
Abel Ndooka ACHANGE ari makuwerere svondo rino paLion King Restaraunt, muguta reHarare pachaparurwa ligi reHarare Metropolitan Pool Association. Zvikwata zvinopfuura 16 zvichasangana kutanga musi weChishanu kusvika Mugovera apo zvichange zvichibandana…
Dzidzo ngaifambirane neZim-Asset: Dokora
Daphne Machiri GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti dzidzo yemuZimbabwe ivandudzwe nenzira inoita kuti ienderane nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Vachitaura svondo rapera pachikoro chePrince Edward,











