Iyi mishonga yamupandukira: Zinatha
Kingstone Mapupu NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti mupurwa imhuka inoshandiswa zvinhu zvakasiyana zvinosanganisirawo mabasa ehuroyi. VaGeorge Kandiyero (41), avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano ren’anga, reZinatha, vanoti panyaya yemurume wekuBulawayo uyo anonzi ari
Mbuya nemuzukuru tiba! -‘Gogo muri muroyi’ -‘Iwe uri muSatanist’
Hardway Nyakuwarwa AMBUYA nemuzukuru vakatosvorana kusvikira pakumisidzana mudare vachipomerana huroyi apo muzukuru ainzi muSatanist. Susan Mutandiro akadhonzera muzukuru wake, Natasha Zanza, kuHarare Civil Court achiti amuonesa pfumvu. “Ndakagara nemwana uyu
A-LEVEL — PAFUNGE: Josiah ava tsotsi
Ticha Tichaziva CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Shamwari idzi dzinotanga kutamba njuga, kuitirana nharo nekuita zvimwe zvairambwa nemuridzi wedzimba. Izvi hazvifadzi murungu uyo anotaurira musevenzi wake kuti akanga asisadi…
Budai pachena mubatsirwe: wag
Muchaneta Chimuka MUKURU wesangano reWomen’s Action Group (WAG), Mai Edinah Masiyiwa, vanoti vanhukadzi vanosangana nematambudziko ekushungurudzwa zvikuru, ayo anosanganisira kubatwa chibharo. “Madzimai nevanasikana vari panyatwa yekubatwa chibharo, zvikuru nevanhu
Boka yorwisa huwori
Kingstone Mapupu KAMBANI yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) inoti mwaka uno yakatora matanho akasimba akananga kupedza nyaya dzehuwori idzo dzinosanganisira kubirwa kwevarimi nemakoronyera. Mushandi anoona nezvekutengeserana kukambani iyi, Mai Chido Nyakudya,…
Tinokutambirai nemufaro!
SVONDO rino sachigaro vedunhu reSouthern Africa Development Community (SADC) – President Mugabe – vari kutambira vamwe vatungamiri vari kubva kunyika 14 dzemudunhu dzinoti: Angola, Botswana, Democratic Republic of Congo (DRC),…
Mhosva hairovi: Mapurisa
Muchaneta Chimuka MUTAURIRI wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, vakakurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzechibharo nekukasika pachiine umboo. “Nyaya yechibharo, kunyangwe yakaitika makore makumi maviri adarika, tinokurudzira kuti imhan’arwe kuburikidza
Bhora raenda kumarara: Yogi
Abel Ndooka DAVID “Yogi” Mandigora, uyo ari kurairidza chikwata chikuru chemuno cheDynamos, anoti nhabvu yemakore ano yasiyana zvikuru neyekare sezvo vatambi vakawanda vave kukoshesa mari kana kuti “chibhanzi” izvo zvaanoti…
Zvibhakera zveZim neZambia
Abel Ndooka VATAMBI vetsiva vaviri vemuZimbabwe – Nicola Mutonhora naTinashe Madziwana – svondo rino vachabandana nevekuMalawi vanoti Wilson ‘Shasha’ Masamba naLimbani Masamba avo vanove mukoma nemunin’ina
Cossasa: Team Zim yopinda mukembi
Abel Ndooka CHIKWATA cheZimbabwe chemujaho wekumhanya icho chichanokwikwidza kumutambo weConfederation of Schools Sport Association of Southern Africa Athletics Competitions (Cossasa) chakapinda mukembi nemusi





