Vatambi vetsiva votatsurana

Abel Ndooka VATAMBI vetsiva 26 avo vari kusumukira vanokwikwidza muboka reAmateur vachakweshana mumutambo we‘Champions in the making’ musi wa28 mwedzi uno.

Mitambo yeligi yotanga

Abel Ndooka SACHIGARO weligi reWorld Navi Northern Region Division One Soccer, Willard Manyengavana,  anoti mitambo yeligi ravo ichatanga mwedzi unotevera uye pari zvino vari mushishi kuita gadziriro yemitambo iyi.

Zvikoro hokoyo naDokora!

ZVIKORO zvizhinji mudunhu reMashonaland East zvakawanikwa zvichiita zvinhu zvisiri pamutemo mushure mekunge zvashanyirwa zvisingatarisire negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora,

Zvikoro, mari nekupasa

Muchaneta Chimuka ZVIKORO zvemuHarare neChitungwiza izvo zviri pazvikoro 100 zvepamusoro munyika yose (Top 100) pabvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dza2014 zvinoratidza kuti zvizhinji

O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Monika anopihwa homwe yepepa

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Mujubheki anoti VaChigweru vamborega mwana agare pasi ndokumumhoresa asi haapinduri. Tete vanobvunza

A-LEVEL — PAFUNGE: Anna anonyorerwa tsamba yekurambwa

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 4 (Ongororo: Enderero mberi) Josiah anoita seanoona Anna kunge munhu werudzi rwechikaradhi oita seanovhundutswa nazvo achinzwa

Ziva: Dindingwe

MHUKA dzinoti mbada/ingwe, shumba, dindingwe nebere dzine mavara pamakanda adzo. Mavara embada, dindingwe neebere anonyatsooneka zvakajeka, asi eshumba anoonekwa muvana.

Kunyora tsamba yebasa

Ticha Danga DZIMWE dzenyaya dzatinonyora munenge makambodzinzwa mugwaro rapfuura asi ngatirangarirei kuti mabhuku haasiyi zvidzidzo nekuti wakambosangana nawo kwete. Chiripo ndechekuti zvavamo mugwaro mawapinda

Science ichatangira kupuraimari: Dokora

HURUMENDE inoti zvidzidzo zveScience zvichange zvave kuitwa kubvira padanho repuraimari nedonzvo rekuti vana vave nechido chekuita zvidzidzo izvi vachiri vadiki sezvo zvichibatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

Chikoro chekuUzumba chakaparadzwa nedutu

Kingstone Mapupu MVURA yaive nedutu guru yakaparadza matenga edzimba dzekudzidzira pamwe nedzevarairidzi zvinokosha $3 000 pachikoro cheMusanhi Primary School, kwaNyajina kuUzumba nguva pfupi yadarika.

×