Zvinoitika — Dr Parirenyatwa

Muchaneta Chimuka GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti mudzimai asina kuzvitakura uye asina mwana waari kuyamwisa anogona kubuda mukaka mumazamhu ake nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Dr Parirenyatwa vanoti pane zvikonzero…

‘Jackson ane tarenda guru’

RICARDO Quaresma anofunga kuti shamwari yake kuPorto, Jackson Martinez, ane tarenda guru zvekuti anogona kutambira Manchester United pamwe neArsenal. Mutambi uyu, uyo akambotambira Chelsea nechikwereti, akatsanangudza Martinez – chizvarwa

Johnson akabhadhariswa bhero

MUTAMBI weSunderland, Adam Johnson, akabhadhariswa mari yebhero nemapurisa ekuDurham zvichitevera kusungwa kwaakaitwa pamusoro penyaya yaari kupomerwa yekurara nemusikana ari pasi pemakore 16 okuberekwa. Mumwe mupurisa akaudza vatori venhau

‘Varimi ngavarime zvirimwa zvakasiyana’

Kingstone Mapupu VARIMI vakakurudzirwa kuti vavandudze mabasa avo kuburikidza nekurima zvirimwa zvakasiyana izvo zvinovapa pundutso pane kumirira chirimwa chimwe chete. Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika nemurimisi mukuru mudunhu reMashonaland Central,…

O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO

Monika anoti kuna Timoti ‘ndakuda’ Ticha Tichaziva CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Gare gare Tendai anozokumbira ruregerero kuna Monika maererana nekurova kwaakaita amai. Anobvuma kuti akakanganisa zvikuru, shungu ndidzo…

Clarke ava kaputeni

SHASHA yemutambo wemujaho yekuGreat Britain, Lawrence Clarke, ndiye akasarudzwa kuva kaputeni wechikwata chenyika iyi kumakwikwi eEuropean Indoor Championships. Clarke, uyo ainge achangobva kuhwinha mumujaho we60m kumakwikwi eBritish Indoor Title, ndiye

Gadhi iyeye ngaarohwe!

JAMES CHIMOMBE paakaimba chimbo chine mazwi anoti, “Nhai George mudiwa wangu, wakandigumbura. Wapengesana nanesi . . .”, haana kutiudza kuti akapfimba mumwe ndeupi. NdiGeorge here akapfimba nesi, kana kuti nesi…

— Nhamba —

Svondo rapera takaburitsa kubva panhamba yechiposhi kusvika pagumi. Tinozimudzira kusvika pamakumi maviri. Nhamba dzose kubva pana 10 kusvika pana 19 dzinotanga na”gumi” seizvi:: SHONA CHIRUNGU gumi neimwe 11 gumi nembiri…

‘Hazviite, hazviite zvachose!’

Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Women Resource Centre and Network rinoshora zvikuru tsika inokurudzira vamwe madzitezvara kupinda pabonde nevaroora vavo. Mai Pamela Muhlanga, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti havatsigire tsika iyi.…

Tsaona dzapedza vanhu: vp Mphoko

Muchaneta Chimuka MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika, Vice President Phelekezela Mphoko, vanoti mitemo yemumigwagwa inofanira kusimbaradzwa nedonzvo rekuderedza tsaona idzo dziri kuwanda munyika. Vachitaura pakupedza zvidzidzo kwemapurisa 508 svondo rapera kuMorris Depot

×