Zvidhoma zvinodariso: N’anga
Munyori weKwayedza CHIREMBA wechivanhu wekwaMashambanhaka, kuUzumba, VaBonface Katerere (62), vanoti zviri pachena kuti mudzimai wekuti anojuja mukaka asi asina mwana mucheche uyu ari kuyamwiwa nezvidhoma nekushandisirwa mishonga yakaipa. “Zvidhoma kana kuti…
Vana 4 nevarume 4
Hardway Nyakuwarwa VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mukadzi wake uyo akamumhan’arira nenyaya yekusachengeta mhuri ane vana vana avo vanana baba vakasiyana, nekudaro hazvaiita kuti abvise mari yekuriritira…
Vadzidzisi veScience vakadzokera kuchikoro
Daphne Machiri GURUKUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakatanga chirongwa chekuvandudza ruzivo rwevadzidzisi veScience uye pari zvino varairidzi vanosvika 3 000 vezvidzidzo izvi vari kumayunivhesiti akasiyana. Vakataura mashoko…
Miti 1 000 paChinamhora
Malven Mugadzikwa ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zvekurima izvo zvinosanganisira kudyarwa kwemiti nedonzvo rekuti vana vakure vachiziva kuchengetedza zviwanikwa zvenyika. Mashoko aya akataurwa svondo rapera naVaAugustine Mukaro vekambani yeFriends of the…
Vandudzai zvikoro: Ishe
Kingstone Mapupu ISHE Chivero vekuMhondoro vari kutsutsumwa nekuda kwekuipa kwakaita zvimwe zvikoro zvemudunhu ravo izvo zvavanoti zvave kuda kuvandudzwa. Vanoti muzvimwe zvikoro dzimba dzekudzidzira dzasakara zvikuru. Ishe ava, VaBrown Shopo (62), vanoti…
‘Masdc zivai pekugumira’
Nyasha Mutena MUKURU wedzidzo mupurovhinzi yeHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvakakosha kuti makomiti anomirira vabereki, emaSchool Development Commitees, azive panogumira masimba awo kwete kuda kupindira-pindira mune zvisiri zvavo. Vakataura mashoko aya
A-LEVEL — PAFUNGE: Josia atorwa moyo naAnna
Ticha Tichaziva CHITSAUKO 3 (Ongororo: Enderero mberi) Maitiro emurume wake aya, airatidza nekusava nemagumo, izvo zvinotsanangurwa zvichinzi mutoo uyu yakaramba ichingove “ndambirire nengatienderane inenge yengozha” (10). Rudo apo anosara ari pamba…
O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZA MOYO: Monika anoshamisika nemaondero aTendai
Ticha Tichaziva CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Vakangozvinzwa chete kuti ari kufambidzana nekakomana sekaanga achifambidzana nako vanozvisunga, vanoda kuti kubvira musi uyu Monika abve akanganwa nezvekakomana kaanga achitaura nako…
Hakuna dofo: Shumba
Daphne Machiri MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti hakuna mwana wechikoro anonzi idofo asi kuti vana vanoda moyo murefu uye kuzvipira kwevadzidzisi mubasa ravo. Muhurukuro neKwayedza, VaShumba vanoti zvakakosha kuti…





