ZEGU yahwapura mukombe werugby wemakoreji

Abel Ndooka

CHIKWATA cheZimbabwe Ezekiel Guti University (ZEGU) ndicho chakatora mubairo mukuru weZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union mumutambo werugby zvichitevera kukunda kwachakaita cheHarare Polytechnic mufainari yakatambirwa kuBulawayo.

ZEGU yakakunda Harare Polytechnic 64-7 kuti isimudze mukombe uyu.

Kuhwinha kwayakaita uku kwakabva kwaita kuti iwane tikiti rekunomiririra Zimbabwe kumitambo yeConfederation of Universities and Colleges Sports Association (CUCSA), iyo ichaitirwa kuLilongwe, kuMalawi, gore rinouya.

Takudzwanashe Chinyemba, murairidzi wechikwata cheZEGU, icho chinonyanya kuzivikanwa nezita rokuti Rhinos, anoti kushanda nesimba kwakavabatsira zvikuru murwendo rwavakafamba kusvika vahwinha mutambo uyu.

“Sechikwata, tiri kufara nematambiro atakaita kusvika tasimudza mukombe uyu.

“Zvinorakidza kuti kushanda nesimba uye kubatana sechikwata kunobatsira zvakanyanya. Nhasi tiri kufara kuti tave shasha dzemuZimbabwe,” anodaro Chinyemba.

Anoenderera mberi achiti chikwata chake chakatarisira kuenda kuLilongwe kumitambo yemaCUCSA gore rinotevera.

“Mitambo yemaCUCSA yaifanirwa kuitwa gore rino asi takazoudzwa kuti tave kuenda gore rinotevera.

“Saka isu tichagara tichingoita gadziriro dzedu kusvika tazoenda kumitambo iyi nekuti tinoda kunohwinha kuLilongwe, tiuye nemukombe werugby muno, tisimudze mureza wenyika yedu,” anodaro Chinyemba.

Zvichakadaro, pafainari yemutambo uyu, mutambi weZEGU, Gelean Jaricha, akavhoterwa kuve man of the match zvichitevera kutamba kwaakaita zvinonwisa mvura.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *