Chikoro chodzidzisa vana mafambiro mumigwagwa

Freeman Razemba—

HURUMENDE yakavhura zviri pamutemo muzinda wekudzidzisa vana vechikoro pamusoro pemitemo inotarisirwa pakufamba kusina njodzi mumigwagwa pachikoro cheHurungwe Primary School, kwaMurehwa, senzira yekuti inge ichizadzikisa chinangwa cheUnited Nations chekuderedza huwandu hwevanhu vanofa mutsaona dzemumigwagwa nechikamu che50% panosvika gore ra2020.

Muzinda uyu – uyo wakavakwa nesangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) – wakavhurwa zviri pamutemo negurukota rezvekufambisa, Dr Joram Gumbo.

TSCZ yakapawo zvakare mabhasikoro 15 achashandiswa mukudzidzisa vana pamuzinda uyu.

Dr Gumbo vanorumbidza TSCZ nekuda kwechirongwa ichi.

“Hakuna nyika inoda kuzadzikisa chinangwa chepasi rose ichi isingakoshese avo vanenge vari panjodzi yekuwirwa netsaona dzemumigwagwa, kunyanya vane makore mana kusvika manomwe ekuberekwa sevari kuda kudzidziswa paHurungwe Primary School Traffic Training Centre,” vanodaro.

Dr Gumbo vanoti chirongwa ichi chakatangwa neGreat Zimbabwe University (GZU). Vanotizve kudyidzana kwakanaka pakati penharaunda nevadzidzi vezvikoro zvepamusoro kunofanira kusimbaradzwa, kwete neGZU chete asi nemakoreji pamwe nemayunivhesiti ose munyika.

“Muzinda wetraffic centre inzvimbo iyo vadzidzi vanokwanisa kufunda pamusoro pemafambirwo anotarisirwa mumigwagwa sezvazviri, kusanganisira masaini emumigwagwa nezvimwe zvose,” vanodaro Dr Gumbo.

“Vadzidzi vanofundiswa kuti masaini anenge ari mumugwagwa anorevei. Pamusoro pezvo, vana vanowaniswa zvakare mukana wekutasva mabhasikiro vachishandisa ruzivo rwavanenge vawana.”

Dr Gumbo vanoti vana vanenge vachidzidziswawo kufamba kusina njodzi mumigwagwa.

“Muzinda uno wakavakwa kumaruwa zvichienderana nehurongwa hweHurumende hwekuunza budiriro kunzvimbo dzakasaririra.

“Yakadarika nguva apo mizinda yakadai yaingowanikwa kuzvikoro zvakabudirira zvaizivikanwa semaGroup A Schools pamwe nenzvimbo dzemabhizinesi seBond Street Shopping Centre, kuMt Pleasant, muHarare.”

Dr Gumbo vanoti muzinda wakavakwa paHurungwe Primary School uchabatsira vana vezvimwe zvikoro zvakapoteredza.

Zvimwe zvezvikoro zvine vana vachabatsirika nemuzinda uyu zvinosanganisira Hurungwe Secondary, Kambarami Primary nesekondari yacho, Murehwa Mission, Murehwa Central Primary, St Clare’s Primary nesekondari yacho, Rukungwe Primary neMuchenje Secondary.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×