Kare midzimu yaikosheswa

Munyaradzi  Gunduza—

ZVIDZIDZO zvinobuda murungano:

Zvinhu zvaunodzidza ndizvo zvaunobata mushure mekunge waverenga bhuku. Sekusiyana kwemaverengero edu, zvidzidzowo zvatinobura pamwe pacho zvinogona kusiyana.

Zvidzidzo zvinobuda mumabhuku enganonyorwa zvinowanikwa pamhando dzakasiyana-siyana. Kune zvidzidzo zveupenyu, zvidzidzo zvemhangwa, zvidzidzo zvemararamiro aiita vanhu pasichigare.

Zvino mugwaro rino tichatarisa zvidzidzo zvese izvi zvakangosangana pasina kuzvitsaura.

Ndakadzidza kuti ruchiva rwakaipa. Zvinobuda kuna Paida anochiva Nduramo uyo akanga achida kuroora Paido. Izvi zvinoguma zvaita kuti azofunge zano rekumuisira muchetura zvinove zvakazopotsa zvavadzingisa mudunhu mavaigara.

Ndakadzidza kuti pasichigare manyambiri aifanira kuuraiwa. Izvi zvinoonekwa panozvarwa Paida naPaido avo vaive mapatya zvichinzi paifanira kuuraiwa mumwe chete wavo, kunyanya akanga apedzisira kuzvarwa anove Paida.

Ndakadzidza kuti midzimu yaikosheswa zvikuru pasichigare. Ndakazviona munyika yaMambo Njeremavhu apo midzimu yaikosheswa muzvinhu zvose zvaibata upenyu hwevanhu.

Tinoona vanaMambo vachibvunzira kuna Mindya uyo aive svikiro revadzimu munyika mavo kuti vodii nezvenyaya yemanyambiri aRufuse.

Tinopedzisa zvimwe zvidzidzo zvinobva muna Manyambiri svondo rinouya.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×