Mumwe wavo akamiswa mudare

DAVID Mahungo, murume wekwaSeke, akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemusi weChipiri svondo rino achipomerwa mhosva yekuponda.

David akatarisana neimwezve mhosva yekuparadza midziyo.

Akamiswa pamberi pemutongi Lazarus Murendo, uyo akati adzoke zvakare kudare nemusi wa21 Zvita apo anenge ari muchizarira. Akanzi kana achida bhera anokumbira kudare guru reHigh Court.

Magwaro anorondedzera mhosva ayo ari mudare iri anoti David akaita hurukuro nevamwe vanakomana vemumhuri yavo nemusi weSvondo apo vaikurukura pamusoro penyaya dzehuroyi mumusha mavo.

Dare rakaudzwa kuti pahurukuro idzi, David nevamwe vake vakazonanga mushakabvu, babamukuru wavo Musekiwa, vachiti ndiye aikonzera matambudziko avaisangana nawo.

Vakabva vatorana ndokuenda kumba kwemufi ndokunomuudza kuti aiva nezvikwambo izvo zvaikonzera kutambura kwavaiita.

Dare rakaudzwa kuti David nevamwe vake vakabatsirana kurova nekupisa Musekiwa vachimuti muroyi.

Vanonzi vakapisa mushakabvu uyu nemoto mushure mekunge vamurova nenduni nezvimwe zvombo zvakasiyana izvo zvakaita kuti afe pakarepo.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti David asungwe.

Muchuchisi munyaya iyi aive Tatenda Mukatera. – The Herald.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *