Chivaviro akazviita zvakare

Malven Mugadzikwa
MUIMBI ane mukurumbira mumusambo wechitendero Reverend Togarepi Chivaviro vanoti vatsigiri vakavakoshera zvikuru izvo zvakaona vachitsikisa mavhidhiyo edambarefu ravo idzva rinonzi Matishamisa iro vakabuditsa vachipemberera kusvitsa kwavo makore makumi maviri vari mune zvemumhanzi.

“Dambarefu iri rakasiyana nemamwe atakaita kumashure uko pakuti takanyanya kukoshesa vatsigiri vedu pakutsikisa kwatakaita mavhidhiyo aro. Takatora vatsigiri kubva kunyika dzakasiyana siyana dzinosanganisira USA, UK, South Africa pamwe chete nevemuZimbabwe. Padambarefu iri, kunze kwemavhidhiyo enziyo dziripo, pane zvakare evavatsigiri vanobuda vachitaura maringe nemimhanzi yedu nemaonero avanoita mimhanzi yedu nerutsigiro rwavainarwo kwatiri. Izvi takazviita kuratidza kukoshesa kwandinoita vatsigiri vangu nekuti kana vasipo ndingadai ndisiri pandiri apa,” vanodaro Rev Chivaviro. Vanoti pamavhidhiyo avo ese ari padamabarefu iri vakataura nevatsigiri kuti vaite mavhidhiyo anoenda panziyo dzacho.

“Takati sezvo gore rino tiri kupemberera makore makumi maviri tiri mumimhanzi, timboizviitawo nenzira yakasiyana. Vatsigiri ndivo vakatisvitsa pamakore ese iwaya naizvozvo tiri kupemberera navo kupfurikidza nekuva navo mukutsikisa dambarefu redu iri. Mavhidhiyo edu takamaitira muno muZimbabwe nekuSouth Africa. Ndinovimba kuti achafarirwa neveruzhinji sekufarirwa kuri kuitwa nziyo dzacho nekuti chinangwa chedu kuramba tichiparura nziyo dzinofadza,” vanodaro.

Padambarefu idzva iri pane nziyo dzinoti It is not over, Matishamisa, Jesu Ndanga Ndakurasai, HandeTinovaka pamwe naShingirira.

Rev Chivaviro vanoti dingindira guru redambarefu ravo iri riri pakambo kanonzi Hande Tinovaka ako vanoti kanokurudzira vanamati neveruzhinji kuti vaite zvinhu zvese zvine chekuita nekuunza budiriro muupenyu hwavo kupfurikidza nekunamata.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×