Varimi vogadzirira kurima fodya

Muchaneta Chimuka
VARIMI vefodya vakatanga kugadzirira mwaka wa2018-19 uye kusvika parizvino 88 224 vavo vakatonyoresa kurima chirimwa ichi.

Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti varimi 88 224 vanyoresa kurima fodya kusvika parizvino mumwaka unotevera uye mbeu yakatengeswa inosvika 671 125 kgs kureva kuti inokwana kurima mahekita 111 854.

Vamwe varimi vakawaniswa zvekushandisa kuburikidza nechirongwa cheHurumende chePresidential Input Scheme apo vamwe vari kuzviwana pasi peCommand Agriculture.

VaWonder Chabikwa vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union vanoti gadziriro dzekurima fodya mwaka unotevera dzatotanga.

Zvisinei, vanoti kune vamwe varimi vakanonoka kurima mwaka wadarika avo vachiri kutokohwa fodya yavo.

“Mwaka wadarika, takaita dambudziko rezvirimwa zvakanonoka kurimwa nokudaro zvakaita kuti kukohwewa kwazvo kunge kuchinonokawo. Kuvarimi vainge vachirima kuburikidza nemakondirakiti pasi pechironhwa cheCommand Agriculture, vakatotanga kugadzirira kurima. Ndivo zvakare varimi vakatanga kunyoresa kurima fodya asi vamwe vachiri mushishi kutsvaga zvekushandisa mukurima,” vanodaro.

 

Varimi vefodya vakatotanga kugadzirira mwaka wa2018-19 uye kusvika parizvino 88 224 vakatonyoresa kurima chirimwa ichi.

Varimi vazhinji, vanodaro VaChabikwa, vachange vachigadzira minda yavo nenzira yeZero Tillage sezvo ichikasika pamwe nekuvapa goho guru.

“Gadziriro dzekurima kune avo vari pasi pechirongwa cheCommand Agriculture dzakatotanga kana tichienzanisa nemwaka yadarika. Gadziriro idzi dzakatotanga mwedzi wadarika uye tinotarisira kuti Hurumende icharamba ichiunza zvekushandisa mukurima nenguva,” vanodaro.

VaJohn Basera vanova mudhumeni mukuru kukambani inouchika mbeu yeSeed Co Zimbabwe vanoti vanokurudzira varimi kuti vange vachirima nenguva kuitira kuti vakwanise kubura goho guru uye remhando yepamusoro.

“Varimi vanofanira kuendesa ivhu ravo kuti rinoongororwa kumarabhoritari nekuti zvinobatsira kuti vazive huwandu hwefeteraiza inodiwa uye mishonga yakakodzera kuiswa. Vanofanira zvakare kuramba vachishanda nevarimisi munharaunda dzavo kuti vange vachiziva kudya kwakakwana kunodiwa nevhu ravo kunogutsa mbesa dzavo,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *