Mhunzamusha yaiva mumakumbo emwana

PANE mhuri yekuGokwe inoti yakaona nyoka yendara kana kuti mhunzamusha kaviri pamusha asi pakazoitika mashura avasina kunzwisisa.

VaPatrick Hwande (49) vekuCopper Queen, kwaMambo Chireya, kuGokwe-Nembudziya, vanoti vakaona nyoka yendara husiku mumba mavo nguva yadarika yakaungana mumakumbo emwana ichibva yazongonyangarika.

“Ndakazoona imwe yechipiri muchivanze ikaverera zvakare. Mushure memazuva, Monica Hwande, uyo anova hama yangu, akazorumwa nenyoka yechiva akanoraramira kuchipatara cheSanyati.

“Asi akaona nyoka yekutanga, anova akazvitakura, Priscilla Matewe, ari kungorwara zvisinganzwisisike izvo zvave kuita kuti tifungire kuti zvakabva mukuona ndara iyi,” vanodaro VaHwande.

Vanoti Monica, uyo akarumwa nechiva, aiva pamba pavo.

“Apo takaona ndara idzi, takafamba kuchivanhu nekumaporofita tikanzi tigeze miviri nemunyu kuti hunye hwadzo husasvike kwatiri. Imwe hama yedu yakazorohwa nemheni zvakare tikanzi ndiro raive shura rendara dzatakaona idzi,” vanodaro.

Vanoti vakatozoshevedza mumwe chiremba wechivanhu akasvikobvisa zvimwe zvinhu pamba pavo zvaaiti zvaiva zvikwambo nezvimwe zvakaipa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×