‘Une dambudziko rekunyeba’

MUKADZI wekuzvuvira aimbove murume wake kudare achida kuti mari yemendenenzi ipamhidzirwe akashaya pekupinda mushure mekunge chikumbiro chake charaswa nekuda kwekuti paive pasina umboo hwekuti mari iyi iwedzerwe.

Noleen Chaitezvi akaendesa aimbova murume wake, Alyson Mudazeanhu, kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe.

“Havadi kuti titaurirane nenyaya yevana nekuti vakarambidzwa nemudzimai wavo. Baba ava vane imba hombe ine makamuri manomwe yavakaisa maroja zvekuti vanowana $US490 pamwedzi “ akadaro Chaitezvi.

“Patakambouya kuno pekutanga vakanyepa kuti mamwe makamuri anogara mwana wavo, vakanyepazve vachiti vanopihwa $50 pakamuri yega yega asi ivo vachipiwa $70. Ini ndinoda kutowana mari kubva paimba iyi nekuti takaivaka tese, ndakatanga kugara navo riri giraundi pasina chiripo.”

Akati murume uyu anoyepa zvikuru nekuti pose paaitaura nyaya yekuti imba iyi vakavaka vose aibva aburitsa muchato waakaita nemumwe mukadzi wake akafa kare.

Madazeanhu akapikisana nezvaitaurwa naChaitezvi achiti mukadzi uyu munhu ane dambudziko rekunyepa zvakanyanya izvo zvinokonzerwa nekuda kudya zvemahara.

“Ini ndinotoshaya kuti amai ava vari kutsvagei kuno nekuti vakanzi vasazodzokazve kudare nenyaya dzavo dzekunyepa, zvisinei hazvo Mwari ndivo vanoziva,” akadaro Madazeanhu.

“Nyaya yedu yakambotongwa muna 2012 ndikatati handishande zvikaonekwa kuti ndaitaura chokwadi. Akabva anyepera dare kuti tine muchato ndokubva anzi auye netsamba yemuchato wacho akatadza nekuti handina kuchata naye asi nemukadzi wangu wekutanga.

“Imba yaanoti akandibatsira kuvaka ndakaivaka nemukadzi wangu wekutanga.”
Madazeanhu akaenderera mberi achiti ari kutambudzika zvekuti mari yekuuyisa kuHarare kudare ainge atokwereta.
Mutongi Tafadzwa Muvhami akarasa chikumbiro chaChaitezvi achiti painge pasina umboo hunoratidza kuti pane zvasanduka kuti mari yemendenenzi iwedzerwe.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×