SHANGWITI dzemujaho wewiricheya dzechikwata cheZimbabwe Wheelchair and Hand Cycling Association dzakatanga gadziriro dzekunokwikwidza kumakwishu eAnnual Outeniqua Wheelchair Challenge, kuGeorge South Africa.
Gore negore chikwata ichi chinotumira vatambi kumujaho uyu vakaita saWilson Nyakoko, Edmund Makutya, Samson Muroyiwa nevamwe avo vane mukurumbira wekuhwapura menduru dzakasiyana dzinosanganisira dzegoridhe.
Mujaho wegore rino uchaitwa musi wa20 Kukadzi uye chikwata cheZimbabwe chinotarisirwa kusimuka musi wa14 Kukadzi.
Maneja wechikwata ichi, Christopher Katore, anoti vari kushanda zvakasimba kuti vanohwina menduru dzakawanda kumujaho uyu.
Anoti gore rino chikwata chavo chichatakura vatambi 16 kana zvichienzaniswa nevapfumbamwe vakaenda gore radarika.
“Chikwata chedu chiri kushanda zvakasimba mazuva ese mugadziriro dzacho dzekuenda kuGeorge kuSouth Africa kunokwikwidza.
“Chishuvo chedu gore rega-rega kuti tinohwina menduru dzakawanda kumutambo uyu uye tinovimba kuti tichanodzihwapura sezvo tiri kutakura vatambi vakawanda.
“Tine dzimwe shasha dzechidiki dziri kusimukira mumutambo uyu idzo dziri kushanda nesimba kuti dzibudirire,” akadaro Katore.
Chikwata ichi chakapihwa mawiricheya matsva nekambani yeTanganda izvo zvakayemurwa naKatore achiti zvichabatsira vatambi vavo kunohwina.
“Gore rino takaitirwa zvakanaka takawaniswa mawiricheya matsva kubva kuTanganda ayo tinovimba kuti achabatsira vatambi vedu kunohwina.
“Kare, vamwe vatambi vedu vaitadza kubudirira nekuti mawiricheya avo aive asakara saka vaisarira kumashure asi tinoziva kuti matsva aya achavabatsira kunokwikwidza zvemhando yepamusoro,” akadaro.
Gore radarika, chikwata cheZimbabwe chakasangana nenjodzi apo mumwe mutambi wacho – Dorcas Hwatira – akatsikwa nemota akashaika paaiita gadziriro dzake vari kuSouth Africa.
Katore anoti murume waHwatira ari kuenda kunokwikwidza kumujaho uyu nechinangwa chekusimudzira morari yavo kuti vasarambe vachifunga nezvakaitika gore radarika.
“Njodzi yegore radarika yakavhiringidza zvakawanda kana nanhasi vamwe vachiri kufunga nezvazvo asi tiri kukurukura nevatambi vedu kuti vakangangwe nezvazvo, zvakatodarika.
“Zvakarwadza hazvo asi tave kufanirwa kutarira zviri mberi, murume waHwatira tinaye ari kunokwikwidza gore rino,” akadaro Katore.



