Nhaka yaramba l ‘Babamudiki handichada nezvenyu’ l ‘Ndibvirepo, uri mukadzi wangu iwe’

Janet Chikotosa
NYAKUGARWA nhaka nababamudiki mushure mekufa kwemurume wake akazozvidemba apo akange ave kudzingwa pamba pake nemuramu uyu achida kuti agarepo nemumwe mukadzi.

Martha Zvirevo akaendesa Innocent Mandaza kudare reHarare Civil Court achiti anoda kuti abve pamba paakasiirwa nemurume wake sezvo vasisawirirane. “Ndiri kuda kuti murume uyu asuduruke pamba pangu pandakasiirwa nemurume wangu nekuti ava kuita zvatisina kutenderana. Inini ndinogara kumusha saka zviri nane kuti abve zvake pamba apa nditsvage maroja ekuisa kuti ndiwane cheuviri ndigokwanisawo kuzviriritira pamwe chete nemhuri yangu,” akadaro Zvirevo.

“Pakafa murume wangu ndiye akagara nhaka asi zvinhu hazvina kuzombofamba zvakanaka kubva ipapo. Vanondidzinga pamba kuti vagosara vachitambarara ini ndichitambura kumusha.

“Dai dare randibatsira vabva zvavo ndisununguke kwete zvekuswera ndichishungurudzwa nekutambura iyo imba ndiinayo. Babamunini, hongu, vanga vakanzi vagare nhaka asi zvakaramba nokuti ini handiwirirani nazvo.”

Mandaza akaudza dare kuti ane mvumo yekugara pamba apa sezvo pari pemukoma wake uye ndiye akagadzwa nhaka.

“Martha mukadzi wangu wandakagara nhaka saka ndinoita zvandinoda naye uye pamba pamukoma vangu ndini ndinopatonga. Iye achiri mudzimai wangu, haasati andiramba saka anofanira kutevedzera zvandinoda.

“Iye ndiye angatoona zvekuita nekuti chero ndikada kuuya nemumwe mukadzi iye aripo ikodzero dzangu sababa vemusha,” akadaro Mandaza.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro rekuti Mandaza abve pamba apa kupera kwaNdira.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *