KAMBANI ine mukurumbira munyika muno wekuuchika mbeu dzemiriwo nezvimwe zvirimwa zvidiki yePrimeseed yosimudzira mabasa ekurima kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka nekuwanisa mbeu inoshingirira muzuva.
Kambani iyi, iyo iri pasi peSeed Co, yakatanga chirongwa chenyanzvi dziri kufamba kumatunhu akasiyana enyika dzichikurudzira kurimwa kwembesa diki idzi.
Muzvare Tariro Mapfumba (30), vanova key accountant co-ordinator kuPrimeseed, vanoti vane mbeu dzakasiyana dzinoita zvakanaka kumatunhu asinganaye mvura yakaringana.
“Tine makore anokwana gumi nemasere tiri mubasa rekuuchika mbeu, zvikuru yemuriwo nezvimwe zvirimwa zvidiki zvinosanganisira mapfunde, mhunga, bhinzi, cow peas, maringazuva, zviyo, nyimo, nyemba nezvimwe zvakasiyana. Saka izvozvi tasimbisa hwaro hwedu nevarimi vadiki nedonzvo rekupedza nzara,” vakadaro.
Kambani iyi inouchikawo mbeu dzemishonga yechivanhu yakaita segavaka rinova danho guru munhorowondo yenyika ino.
VaMasimba Kanyepi (34) vanoshanda kudivi rekushambadzwa kwezvinhu kukambani iyi vanoti vari kuramba vachiita tsvakurudzo yedzimwe mbeu itsva nguva nenguva uyewo nekuvandudza dzimwe dzavainadzo.
“Hatiuchike mbeu dzezvirimwa chete, tine mbeu dzemishonga yechivanhu.
“Kune vanoida ngavaende kuzvitoro zvedu inowanikwa, tine nzvimbo yedu huru yekuitira basa iri rekuuchika mbeu yakakura zvikuru muHarare,” vakadaro.
Vanoti vane varimisi vashanu vanove nyanzvi vanotenderera nyika yose vachidzidzisa varimi marimirwo embeu dzavo.
“Zvirimwa zvechinyakare nekudya kwacho ndizvo zvatakanangana nazvo kuti varimi vedu varambe vachirima zvinopa utano kuvanhu vose nekupedzawo nzara muvanhu.
“Tine minda yekudzidzisa kurima kumativi mana,” vakadaro VaKanyepi.
Kudunhu reMutoko nekuMudzi kune varimi venzungu vanoshanda nekambani iyi vanokwana 2 056 uyewo kune vamwe kuGokwe, Mutare neMuzarabani.
“Varimisi vedu vanounganidza varimi vachivadzidzisa marimirwo embeu kumatunhu ose aya, zvikuru kuMudzi tiri kutarisira varimi vanokwana 6 086 uko takanopa mbeu svondo rakapera tichibatsirana nerimwe sangano rakazvimirira rakatengera varimi ava mbeu iyi,” vakadaro.
Varimi ava vaipihwa m beu yema10 kgs yemapfunde inokwana hekita imwe chete necow peas makgs 6.
Muchirongwa chekugoverwa kwevarimi mbeu iyi mushandi anoona nezvemari kukambani iyi, VaPatrick Matono, ndivo vaivako nevamwe vashandi.




