Kamwana kava nemwana

CHIPO
CHIPO

KASIKANA kaye kekuDomboshava kekusiira chikoro paForm 2 mushure mekuitiswa mimba inonzi ndeyechikomba chaamai vako, asi vamwewo vachiti kakanhumburiswa nasekuru, kave nemwana.

Pakabuda nyaya iyi muKwayedza nguva yadarika, mwana uyu, uyo ane makore 15 okuberekwa, akangozivikanwa saChipo senzira yekuchengetedza kodzero dzake sezvo achiri ndumurwa.

Nyaya yekuti pamuviri paive nemwana uyu paive pechikomba chaamai vake kana kuti pasekuru, hanzvadzi yaamai, inotsinhirwa nevabereki vake nevagari venharaunda.

Sadunhu Munyawiri, VaEdmond Munyawiri (69), vanoti kasikana aka kakazosununguka.

“Ndakatuma makurokota angu svondo rapera vakataurirwa kuti mwana uyu ava nemwana, zvisinei kuti hakuna munhu ati asungwa nemapurisa nenyaya iyi. Vakataurirwa kuti musikana uyu anoti mwana ndewasekuru vake asi mudzimai wechikomba chinonzi chaamai ava anotiwo nhumbu ndeye murume wake.

“Saka ndakapa vabereki vacho masvondo matatu kuti vanotsvaga sekuru wavanoti akapa mwana muzukuru wake uyu pamuviri kuti vauye naye,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.

“Kana sekuru ava vasina kuuiwa navo, ini mbune ndave kusimudza nyaya kuenda nayo kumapurisa. Ndakazivisa veChildline kuti vafeye nyaya iyi avo vakatouya kuno kare vakataura nemhuri iyi,” vanodaro.

Vanoshora zvikuru hunhu huri mumusha uyu.

“Musha une mhuri iyi unoitwa zvinhu zvinonyadzisa, iSodhoma neGomora chairo. Kune vatezvara varimo vanodanana nemuroora kotiwo hanzvadzikomana nehanzvadzisikana vanodanana.

“Vanhu vemo vanonyadzisa, vanokoshesa hukama kubva paguvhu kuenda kumusoro kubvawo paguvhu zvichidzika hapana hukama. Ndinoda kuvaripisa nemakunakuna,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemusikana uyu zvose nevabereki vake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti hapana ati asungwa nekuda kwenyaya iyi uye ichiri kuferefetwa.

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×