‘Mweya’ unomutuma kuzvambura mukadzi

Nyasha Chabvonga
PANE mukadzi anoti anogara achirohwa kunge nyoka yapinda mumba nemurume wake apo anenge akabatwa “nemweya”.

Susan Panashe akamhan’arira Shadreck Panashe kudare reHarare Civil Court achiti: “Murume uyu anondituka pamberi pevana achinditi handina kukwana pfungwa, hadzishandi achipomera kurwara kwandakaita necancer (gomarara). Changamire, kana baba ava vatanga kundituka ndinosvika pakuchema pamwe nevana.

“VaPanashe vanondirambidza kuenda kumashops edu akanzi Panashe Enterprise atakatanga tose uye andakashandira ndisati ndarwara.

“Kana zvakamubata zvekwaamai vake, anondirova zvekuda kutondiuraya chaiko. Mweya uyu akautumirwa naamai vake,” anodaro Susan.

Shadreck akapokana nemashoko aya achiti haarovi Susan, kumutuka kana kutaura zvakaipa pamusoro pechirwere chake.

“Handina pandakambomurova ini, dai ndaimurova angadai asiri mupenyu uye hapana paakamboenda kumapurisa kunomhan’ara kuti ndinomurova.

“Kana iri nyaya yekumurambidza kuenda kumashops kunyepa, anoenda uyu,” anodaro Shardreck.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Susan akati asarambidzwe kusvika kumabhizimisi avo.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×