Nyambiya: Zita rakabva pambiya

ISHE Nyambiya
ISHE Nyambiya

DUNHU raMambo Makoni, kuManicaland, rinonzi rine nzvimbo dzakawanda dzinoera. Dzimwe dzacho dzinosanganisira nzizi, ninga nemakomo ayo mamwe acho ane maruware anobuda mvura isingaonekwe painobva.

Ishe Nyambiya, Mai Mary Nyambiya (63), mumwe wemadzishe ari pasi paMambo Makoni, vanoti ibasa remadzishe kuona kuti nzvimbo dzinoyera dzaremekedzwa.

Vachitaura nguva pfupi yadarika apo vaibatsirwa nemupurisa wavo, Cde Noilet Mabika Muhlanga (53), Ishe Nyambiya vanoti kune gomo rinonzi Dombojana, iro rinowanikwa kupurazi rekwaMorison rinoyera zvikuru.

“Dombojana igomo rinoremekedzwa zvikuru muno maMakoni, riri pasi pehushe hwangu. Gomo iri haribvumidzwe vanhu vaye vakasviba kurikwire. Vaye vanoda kunoshereketa imomo hazvidiwe, unorasika zvekutetereka wozoona wave kukombwa neshumba kana mazinyoka,” vanodaro.

Vanoti gomo iri rine maziruware anobuda mvura kunyange muchirimo chaimo asi isingaonekwe painobva.

“Inzvimbo yatinoteurira chivanhu chakaita semikwerera nezvimwe. Tine nzizi dzakakomberedza gomo iri dzine mhiko sekuti vanhukadzi havabvumirwe kugeza vakamira, vanotopfugama kana kuchonjomara kusvikira vapedza kushamba,” vanodaro Ishe Nyambiya.

Vanoti hushe hwavo hwekwaNyambiya ndehwekutendwa naMambo Makoni semasahwira akauya akatakura mutumbi waMakoni uri padara kubva nawo kunyika yeTanzania iyo yainzi Tanganyika kare apo waidonha honye dzichienda mumbiya kusvika muZimbabwe.

Izvi, vanodaro, zvakazopa kuti vanzi Ishe Nyambiya kubva pazita rekuti mbiya.

“Isu muno maMakoni hushe hwedu ndehwasahwira nekudaro sahwira ndiye anochengetedza chivanhu.”

Ishe ava vanoti madzitateguru avo akatakura Makoni Gunguwo kubva nemutumbi wake kuTanzania kusvika muno umo wakazovigirwa.

“Mutumbi wake takautakura uko akanga afira ndokuuya nawo kusvikira waora uchidonha honye tichiuya chete. Taiita honye dzekuchingidzira setsika dzechivanhu kusvikira tasvika muno. Saka hushe hwangu, hwemaNyambiya, ndehwekutendwa naMambo Makoni sezvo kwakanga kwakanzi taifanirwa kupihwa madzimai 12 pagore roga-roga nemombe 12 zvakare asi zvakagadziriswa nehushe uhwu,” vanodaro Ishe Nyambiya.

“Saka takapihwa dunhu rehushe tichichengetedza zviwanikwa netsika dzepasichigare dzevanhu vekwaMakoni. Isu vekwaNyambiya tinoyera Moyo Chirandu Moyondizvo,” vakadaro.

Cde Muhlanga vakati chavo kusunga wose wavanobata asingatevedze tsika dzechivanhu nekukanganisa munzvimbo dzinoyera.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *