Madzibaba vakanda nyoka, ndokutsotsa maneja webhanga US$3 000, Toyota Hilux neToyota Aqua

Danisa Masuku

MUMWE murume anozviti muporofita,  Madzibaba Lenon Chidarikire (44), uyo anonzi akaita nyoka dzekuisira pamba pemumwe mudzimai aimbove maneja werimwe bhanga uye ndokuzomutsotsa US$3 000, motokari mbiri kusanganisira Toyota Hilux, achiti uyu waive muripo wake wekubvisa mweya wetsvina, akamiswa mudare redzimhosva.

Madzibaba Chidarikire  wekuEntumbane, kuBulawayo akamiswa pamberi pemutongi wekuBulawayo, Muzvare Patience Madondo, nemusi weChitatu chadarika.

Akakumbira bhero, achiti achange achigara kumba kwake kuEntumbane uye haazokanganise vafakazi.

Akati zvakare haazi njodzi kunharaunda uye ndokuudza dare kuti haana kunge atiza asi kuti aive kuBindura achiita zvekurima.

Zvisinei, chikumbiro chake hachina kutambirwa sezvo chakapikiswa neHurumende yakamirirwa namuchuchisi Muzvare Brenda Ndlovu.

Vakapikisana nemashoko ake ekuti aiita zvekurima uye ndokuti hakuna kurimwa kunoitwa munaNyamavhuvhu.

Muzvare Ndlovu vakati  Madzibaba Chidarikire akange achitiza kubva munaNyamavhuvhu gore rapera uye akasungwa paaive akahwanda kuBindura svondo rapera.

Vakatiwo musungwa uyu kana akapihwa bhero anogona kutiza.

Dare rakaudzwa kuti mumwe weshamwarikadzi dzaMadzibaba Chidarikire ndiye akanyevera mapurisa kwaaive akahwanda zvakaita kuti azosungwa.

Madzibaba Chidarikire akanzi adzoke kudare nemusi wa23 Zvita apo anenge ari muchizarira.

Dare rakaudzwa kuti nemusi 22 Kurume gore rino, musungwa uyu nemumwe wake, akangozivikanwa  saMadzibaba Michel, vakaruka zano rekutsotsa Muzvare Innocentia Sekani, uyo aimbove maneja werimwe bhanga uye achigara kuMontrose, kuBulawayo kwakare.

Mushure mezvo, vakaenda kumba kwake.

“Vaviri ava vakaita mhiko pamba paSekani ndokubvisa nyoka mbiri kubva mumba memumhan’ari, izvo zvakamuvhundutsa zvakanyanya,” vanodaro Muzvare Ndlovu.

“Mushure mezvo, vakati vanoda

US$3 000, iyo vakati aifanirwa kuibhadhara mukati memaawa maviri, uye ndokumutyisidzira vachiti kana akasadaro pane zvichaitika kwaari. Sekani akatsvaga mari uye ndokumupa US$3 000,” vanodaro.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa28 Kurume gore rino, Madzibaba Chidarikire akadzokera kumba kwaSekani ndokumuudza kuti pane zvaakange audzwa munyika “yezvemweya” kubva kune shamwari yake yakazivikanwa saMadzibaba Mushore, achiti amuudze kuti aende iye nemwanasikana wake kusowe rake riri kuNorton.

“Sekani, aine mwanasikana wake uye mukomana wemwanasikana wake, vakaenda kusowe iri. Pavakasvika, akaudzwa kuti atengese motokari yake yerudzi rweMazda Demeo, akaita sekudaro ndokutengesa motokari iyi neUS$2 200 uye Chidarikire ndiye akasaina chibvumirano chekutengeserana semufakazi,” vanodaro Muzvare Ndlovu.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa14 Chivabvu gore rino, Madzibaba Chidarikire akaenda zvakare kumba kwaSekani uye ndokubvisa imwe nyoka mune imwe kamuri yemba yake.

“Akati anofanirwa kupihwa US$250 neToyota Aqua, achiti ndiwo waive muripo webasa raaive aita rekuchenura pamba apa. Mumhan’ari akabvuma ndokumupa US$250 neToyota Aqua.

“Mushure mezvo, akaenda kumba kwake ndokudzoka nemusi wa24 Chikumi akavaudza kuti vanofanirwa kuuya kusowe rake, achiti pane mweya wetsvina waitambudza mwanasikana wemumhan’ari,” vanodaro Muzvare Ndlovu.

“Akaenda nemwanasikana wake, ndokubhadhara

US$20 yekubvunzira kuti atange kushandirwa neUS$300 yainzi ndeye kuchenurwa. Ari kupomerwa mhosva akaudza Sekani kuti aende kunotora Toyota Hilux yake, achiti pane mhuka ine mweya wetsvina yaigara mukati mayo.

“Akazomuudza kuti atengese Toyota Hilux yake neUS$10 000 mukati memaawa maviri. Vakawana munhu aida kuitenga uyo akabhadhara US$9 500 uye ndokuvimbisa kubhadhara US$500 yaiva yasara mumazuva aitevera. Mumhan’ari akazomupa US$9 500. Mushure memazuva mashoma (musungwa) akati anoda US$500 yaive yasara, achiti yaive yakasvibiswa nemweya wetsvina uye akapihwa mari iyi. Akaudza mumhan’ari kuti asawane munhu waanoudza zvaive zvaitika, mushure mezvo akabva anyangarika,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×