Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) echikamu cheAnti-Stock Theft Unit, vakabatana nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID), vakasunga makororo matatu anonzi aiva arura kuba mombe kuGweru nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti pakati pevatatu vakasungwa ava mumwe wacho aive achangobva kujeri nenyaya dzekuba mombe zvekare.
“Kusungwa kwemakororo aya kunotevera nyaya yakaitika nemusi wa21 Ndira gore rino apo vakahaya motokari yemumwewo munhu akazvimirira kuenda kuLalapanzi usiku uko vakanoba mombe vakatakura mutumbi wacho. Vakasungwa ndiEnock Mpo Jona (32) wekuEastlea kuZvishavane, Chrispen Matondo Zikhali (40) wekuIsaiah Park kuZvishavane naTanaka Murereka (24) wekuCouncil Park kuZvishavane,” vanodaro Insp Mahoko.
Mukufeewa kwenyaya iyi, zvakaonekwa nemapurisa kuti Zikhali akambopinda mujeri kaviri nekuba mombe kuZvishavane nekuGweru.
Insp Mahoko vanoti mapurisa vakawana runyerekupe rwekuti motokari yerudzi rweToyota Probox yaiva yahaiwa kubva kuZvishavane kuenda kuGweru nevamwe varume nemusi wa21 Ndira gore rino.
“Motokari iyi yakabva kuGweru ndokutora mugwagwa weMvuma nguva dzeusiku. Pavakasvika kuLalapanzi, muridzi wemotokari iyi akazoshamisika kuona varume vaiva vamuhaya ava vava kuburuka vachidzingirira mombe idzo vakanga vaona padyo mumugwagwa. Vakazokwanisa kubata imwechete vachibva vaiuraya ndokuivhuna padyo nejeri reHwahwa vachibva vatakura nyama iyi kuiendesa kune dzimwe dzimba dzekuMkoba High Density kuGweru,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti pakuendesa nyama iyi kudzimba dzevanhu, pakazoita kuti muridzi wemotokari yaitakuriswa iyi atadze kunzwisisana nevarume ava mutsanangudzo dzavo nekuda kwenyama iyi ndokuramba achivabvunza vachipa mhinduro dzaisanzwisiswa akabva atendeudza motokari yake ndokunanga kuZvishavane.
“Mapurisa eGweru Rural, vachifewa nyaya iyi, vakazosunga Enock Mpofu kuMandava kuZvishavane, Chrispen Matondo Zikhali wekuIsaiah Park kuZvishavane naTanaka Murereka uyo akazosungirwa kuTop Ten Shops kuMkoba 5, kuGweru. Mumwe ari kutsvagwa munyaya iyi yekubiwa kwemombe ndiBongani Ncube,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti mukufeewa kwenyaya iyi, mapurisa vakatenderera mudzimba dzekuMkoba kuGweru vachisecha mumisha yakasiyana uko vakawana nyama inorema 50 kgs, musoro wemombe nemazondo uyewo mapanga nezvimwe zvombo zvaishandiswa pakuuraya mombe.
“Murimi ane mombe yaiva yabiwa akazowanikwa mukufambira mberi mekufeewa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mahoko.
Makororo aya vakambopinda mudare redzimhosva kekutanga avo vari muchazarira nyaya dzavo dzichifambira mberi nekufeewa.
“Iyambiro yedu huru semapurisa kuvanhu vanoda kuita zvekuba mombe kuti vanosangana nemitongo yakasimba kumatare edzimhosva uyewo vatyairi vedzimotokari ngavangwarire zvikuru kana vachihaiwa nevanhu nekuti vanogumisira naivowo vapinda mumhosva vakavarairwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Kune vanoda kuyambira mapurisa nekuda kwekuparwa kwemhosva dzakasiyana kudunhu reMidlands, vanokurudzirwa kuzivisa chero mapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana 0715 212 377.



