NAAZ yogadzirira mujaho weWorld Championships

Abel Ndooka

SANGANO reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) richatumira shangwiti dzinomhanya mujaho werelay kunyika dzinoti Botswana neZambia kunorwira tikiti rekunokwikwidza kumutambo weWorld Championships uyo uchaitirwa kuChina nekuJapan.

Gore rino, mujaho weWorld Championships uchaitirwa kuChina munaChivabvu nekuJapan munaGunyana.

Mutungamiri weNAAZ – Tendai Tagara – anoti sangano ravo richatumira shangwiti dzinomhanya kuBotswana neZambia mwedzi uno.

“Botswana neZambia nyika mbiri dzasimukira panyaya dzekumhanya saka tichatumira zvikwata zvedu ikoko kuti zvinorwira kuenda kumujaho weWorld Championships wegore rino uchamhanyirwa kuChina nekuJapan.

“Isu sesangano gore rino tiri kuda chaizvo kuona mutambo uyu uchisimukira munyika medu naizvozvo tinoda kuona vamhanyi vedu vachinokwikwidza kumijaho mikuru,” anodaro.

Tagara aitaura apo sangano ravo rainge rachangopedza kuita musangano wezvirongwa zvekusimudzira mutambo uyu mumakore mana anotevera.

 Izvi zvakaonawo NAAZ ichinyorerana pasi chibvumirano chekushanda pamwechete nesangano re5 Brands mubasa reshambadza nekutsigira zvirongwa zvakasiyana nemari.

Zvakadaro, Tagara anoti sesangano shuviro yavo kuona nhandare dzemujaho dzemuno dzichivandudzwa kuenda padanho repamusoro.

“Takaita hurukuro neakafanobata chigaro chadirector general kuSports and Recreation Commission kuti pari kuvandudzwa nhandare yeNational Sports Stadium, pabva paitwawo basa rekuvandudzwa munomhanyirwa neshangwiti dzakasiyana nekuti tinoda chaizvo kuti tinge tine nhandare dzepamusoro dzekushandisa kurongawo mijaho mikuru.

“Nzira yega yekuti tikure mune zvemitambo muno tinofanirawo kuronga mitambo mikuru, kusanganisira weSourthen Region Senior Championships kutanga 26 na27 Chikunguru uyo uchaitirwa muno apo tinokwanisa kutumira vatambi vakawanda kuzokwikwidza,” anodaro Tagara.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×