Malajila orondwa matsimba

MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira, Obert Malajila (17), uyo anove munin’ina waCuthbert Malajila mutambi wemaWarriors neMamelodi Sundowns yeSouth Africa, anoti anoda kutevera mumatsimba emukoma vake mukutambira nhabvu zvikwata zvikuru zvemuno pamwe nezvekunze kwenyika.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika paakagamuchira mubairo weFootball Player of the Year pamabiko eCUMA Football Academy akaitirwa kuKadoma, Obert akati nhabvu ndiwo hupenyu hwake uye ari kutarisira kutamba kusvika aita mbiri kudarika ina mukoma wake, Cuthbert.

Semunhu akakura achiona Cuthbert achitambira zvikwata zvakaita seChapungu United, Highlanders FC, Dynamos FC, Club Africain (Tunisia), Maritzburg United (South Africa) neMamelodi Sundowns (South Africa), Obert anoti zvakamupa shungu kuti ashande nesimba kuti agovewo nemukurumbira wakanyanya.

Gore rino Obert achawana mukana wekuratidza tarenda rake sezvo CUMA Football Academy ichange ichikwikwidza muDivision 2 B Mashonaland West umo icharwa kuti igopinda muDivision One mwaka unotevera.

“Zvekutamba bhora ndakatanga kuzvifarira ndichiri muGrade 3 uye ndainyanya kuzvifarira nekuti mukoma wangu airigonawo chaizvo. Ndinonyanya kutamba pakati (midfield) uye ndava nemakore ndichitambira pakati tichisangana nematimu mahombe. Timu yandakambotambira ikanetsa chaizvo ndeyeRimuka High 1 mugore ra2015 iyo yakatamba kusvika kumafainari ikazorohwa neConway College yekuHarare,” akadaro Obert.

Akatenda CUMA Football Acadeny achiti ndiyo iri kuvandudza tarenda rake pamwe chete nevamwe vechidiki vaanotamba navo.

Anoti kuburukidza neCUMA ane tarisiro yekutambira zvikwata zvikuru muZimbabwe pamwe chete nezvekunze kwenyika.

“Mapoka akaita seCUMA akanaka pakuti anoita kuti matarenda evechidiki abude. Pamakore matatu ari kutevera, ndinotarisira kunge ndave kutamba mumatimu mahombe emuno munyika zvekuzosarudzwawo pakupinda pachikwata chenyika chemaWarriors mumitambo yenyika yedu nedzimwewo nyika.

“Ndinoda kutevera tsoka dzamukoma wangu nekuti ndivo vanoita kuti ndiite shungu sezvo ndiri kuona kuti bhora kwavari riri kubhadhara uye ndiro rinotova basa ravo.”

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×