MUMWEDZI waGumiguru gore roga roga, Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza uye kupa chenjedzo pamusoro pechirwere chegomarara rezamu.
Chirongwa ichi chakakosha sezvo chine donzvo rekusimudzira nyaya dzeutano, zvikuru sei pakati pevanhukadzi, avo vakawanda vavo vari panjodzi yekubatwa nechirwere ichi.
Chinopa mukana wekupa chenjedzo inosanganisira kukosha kwekugara munhu achiongororwa utano hwake, zviratidzo zvechirwere ichi uye marapirwo acho.
Dzidziso iyi inoita kuti vanhukadzi vave nesarudzo yakanaka pamusoro peutano hwavo uye vachiwana rutsigiro rwakakodzera.
Zimbabwe National Cancer Registry Report ya2019 inotaridza kuti chirwere chegomarara rezamu chiri panhamba yechipiri pamakomarara ari kunyanya kutambudza vanhukadzi, chichitevera remuchibereko. Remuchibereko rinotora chikamu che21 percent pamakomarara ose ari kuvabata.
Kubva muongororo yakaitwa, gwaro iri rinotaridza kuti uwandu hwevanhukadzi vari kubatwa nechirwere chegomarara rezamu huri kuramba huchiwedzera.
MuZimbabwe, zvirwere zvemakomarara zvinowanzobata vanhukadzi verudzi rwechitema zvinoti remuchibereko (40.8 percent) nerezamu (13 percent).
Nerimwe divi, makomarara anowanzobata vanhukadzi vasiri verudzi rwechitema anoti rezamu (31.4 percent), remuura (11 percent) neremuchibereko (8.5 percent).
Kana pachitariswa pasi rose, chirwere chegomarara rezamu ndicho zvakare chiri kunyanya kubata vanhukadzi, apo vanhu mamiriyoni 2,26 pakati pavo vanonzi vane denda iri.
Nokudaro, chenjedzo iri kupihwa pamusoro pechirwere ichi, kuburikidza nenzira dzakadai semisangano nezvimwe zvirongwa zvekuenda kune voruzhinji, inoita kuti vanhukadzi vose, vari kumadhorobha nekumamisha, vabatsirikane zvakanyanya.
Izvi zvinoita zvakare kuti vawane ruzivo rwechokwadi. Panguva imwe cheteyo, zvinobvisa mamwe mafungiro asiri iwo, seokuti chirwere chegomarara chinokonzerwa nekuroyiwa.
Kunyangwe zvazvo kupa chenjedzo kwakanaka, zvakakoshawo kuti muzvipatara muve nezvekushandisa zvakaringana.
Izvi zvinosanganisira michina yekuongorora gomarara pamwe chete nemishonga yekurapa varwere.
Hurumende iri kuedza nepainogona napo kuti zvikwanisiro izvi zvinge zviripo.
Iri harisi basa reHurumende chete asi kuti zvinotoda kuita muonerapamwe nemamwe mapoka anosimudzira nyaya dzeutano.
Kunyangwe zvazvo vanhukadzi vari ivo vanonyanya kubatwa negomarara rezamu, hazvirevi kuti vanhurume vogara zvavo vakapeta maoko. Kwete.
Vanhurume vanokwanisa kutsigira vanamai, hanzvadzi, madzimai nevanasikana vavo kuti vaongororwe pamwe nekurapwa nguva ichiripo.
Chirwere chegomarara rezamu chinogonawo zvakare kubata vanhurume, kunyangwe zvazvo mukana wacho uri mushoma zvakanyanya.
Nokudaro, vanofanirwawo kugara vakachingwarira.



