MAONERO EDU: Ngatingwarirei njodzi dzemoto mumwaka wechando

MWAKA wechando pari zvino wave pakati, apo kunze kuri kuwedzera kutonhora munzvimbo dzakawanda, izvo zviri kuita kuti voruzhinji vatsvage nzira dzakasiyana-siyana dzekuti vadziirwe.

Zvakakosha kuti munhu azvidzivirire kubva mukutonhorwa nechando. Akasadaro, anotarisana nematambudziko anosanganisira kubatwa nechirwere chedzihwa kana chikosoro.

Imwe yenzira iri kushandiswa nevoruzhinji kuti vazvidzivirire kubva kuchando kudziya moto wembaura, inogona kunge ichishandisa marasha kana huni.

Asi mbaura inoda kushandiswa neungwaru uye panzvimbo inopinda mhepo yakakwana. Zvikasadaro, pane njodzi huru yekurasikirwa neupenyu hwevanhu.

Zvinosuwisa zvakanyanya kunzwa kuti vanhu vashanu vemhuri imwe chete vakafa nemusi weSvondo wadarika mubhuku raGudhuza, kwaSadunhu Shiku, kuMidlands, mushure mokunge vapfumbirwa neutsi hwecarbon monoxide hwaibva mumbaura yaive mumba mavaive varere. Vakafa ava vanosanganisira murume aive nemakore 60 ekuberekwa, vamwe vaviri vane makore anodarika 30 pamwe chete nemwana aiita Grade One nemumwe weGrade Two.

Vemhuri iyi vanonzi vaive vaisa mbaura mumba mavakange vakarara nechinangwa chekuti vadziirwe.

Zvinorwadza kuona vanhu vashanu vachifa nenzira yakadai. Gore negore, kune vanhu vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwenyaya dzembaura, nokudaro zvakakosha kuti voruzhinji kana vafunga kudzishandisa, vozviita munzvimbo inopinda mhepo yakakwana.

Zvinotaridza kuti nyaya dzevanhu vari kufa nekuda kwemoto dziri kuwanda kubva pakatanga mwaka uno wechando.

Somuenzaniso, kumapuroti ekuClipsham, kuMasvingo, vanasikana vaviri vanonzi vakatsvira mumba nemoto usina kuzivikanwa kuti wakatanga sei nemusi wa17 Chikunguru.

Vana ava, vanoti wemakore maviri ekuberekwa newemakore mana, vaive varere mumba usiku apo yakabatira moto, vose vachibva vatsviramo.

Nguva pfupi yadarika, vamwe ambuya vane makore 107 ekuberekwa vemumusha weBengo, muward 17, kuGwanda, vakafa zvinosiririsa mushure mokunge mbatya dzavo dzabatira moto, ndokubva vatsva muviri wose, apo vaive muimba yekubikira.

Pane fungidziro huru yokuti ambuya ava vaive varere pedyo nemoto nechinangwa chekuti vadziirwe apo hembe yavo yakabva yatanga kubvira.

Zvinorwadza kuona ambuya vange vachengetwa naMwari kwemakore akawanda kudai vachidimburirwa upenyu nenzira yakadai.

Mumwaka uno wechando, panogona zvakare kuve nenjodzi yekupararira kwemoto wesango, apo vanhu vanodziya moto munzvimbo dzakadai sezviteshi zvemabhazi vanogona kusiya vasina kuudzima, vave kuenda.

Pakadai apa, moto uyu unogona kusara uchipisa masango pamwe chete nekuparadza zviwanikwa zvakasiyana-siyana.

Zvakakosha kuti voruzhinji vatore matanho akakodzera ekudzivirira njodzi dzinogona kuitika mumwaka uno wechando.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×