MAONERO EDU: Vatyairi ngavatevedze mitemo mumigwagwa

KUWANDA kwetsaona dzemumigwagwa mazuva ano, idzo dziri kukonzera kuti vanhu vafe uye kukuvara, kuri kuita kuti voruzhinji vashungurudzike pamwe chete nekusagadzikana.

Svondo rapera, vanhu vanosvika 17 vaive mukombi vakafa uye vamwe vakakuvara mutsaona yakaitika pabhiriji rerwizi Manyame mumugwagwa Seke, apo motokari iyi yakadonherwa negonyeti.

Mushure memazuva maviri tsaona iyi yaitika, panzvimbo imwe cheteyo pakave nenjodzi zvakare yaisanganisira bhazi.

Kunze kwazvo, hakuperi mazuva maviri kana matatu kusati kwaitika tsaona dzinotora upenyu hwevanhu munzvimbo dzakasiyana-siyana dziri kumativi mana enyika.

Munguva pfupi iri kutevera, Zimbabwe ichange ichipemberera zuva guru remagamba (Heroes Day) pamwe chete neremauto (Defence Forces Day). Panguva iyi gore negore panoitika tsaona dzemumigwagwa dzakawanda.

Izvi zvinokonzerwa nokuti vanhu vazhinji vanenge vachifambawo nzendo dzakasiyana-siyana.

Gore rapera, vanhu vanodarika 37 vakafa uye vamwe vanopfuura 100 vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa panguva yezororo iri. Zvakadai, zhinji dzetsaona idzi dziri kukonzerwa nekutyaira kusina hanyn’a mukati.

Sangano rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mumigwagwa reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) rinoti chikamu che94 percent chetsaona dzinokonzerwa nevatyairi vasingatevedzi mitemo pakufamba.

Vatyairi ava vanenge vachimhanyisa motokari zvakadarikidza mwero, kushandisa nhare vari parwendo uye kudhidhiraivha zvisina hanyn’a, sekufamba vari kudivi risiri ravo.

Zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa neupenyu zuva nezuva nokuda kwetsaona dzinokwanisa kudzivirirwa.

Hongu, kune mimwe migwagwa isina kumira zvakanaka, izvo zvinokonzeresawo tsaona.

Asi mutyairi akaona kuti mugwagwa waari kufamba nawo wakaipa, sokuti une makomba-makomba, pakadai ndipo panoda kuti ashandise unyanzvi hwake hwekutyaira zvine ungwaru.

Hazvina maturo kuti mutyairi ati ndaita tsaona nokuti mugwagwa wacho hauna kunaka.

Vatyairi vemakombi nevemabhazi anotakura voruzhinji vanofanirwa kukoshesa upenyu hwevanhu vavanenge vakatakura.

Kune vamwe vanotsiurwa nevafambi nokuda kwekutyaira kusina hanyn’a kana kuti maitiro asina kururama pamugwagwa asi vanobva vatowedzera kuita izvo vanhu vanenge vachigunun’una pamusoro pazvo.

Uku kuita chandagwinyira. Handizvo zvinofanira kuitwa.

Mutyairi kana atsiurwa mune zvakanaka, anofanirwa kuteererawo kuitira kuchengetedza upenyu hwevanhu vanenge vari mumaoko ake.

Vatyairi havafanirwi kutevedza mitemo yemumigwagwa nokuda kwokutya mapurisa. Kunyangwe pasina vabati vezvemutemo vanenge vachivaona, vatyairi vanofanirwa kufamba zvakanaka. Upenyu hwemunhu hunokosha; hukadeuka, haudzoreredzwi pakare.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *