Mapfupa emunhu anongori pachena

Mapfupa ari muguva rakafukunurwa nemunhu asingazivikanwe kuManyame Park, kuChitungwiza
Mapfupa ari muguva rakafukunurwa nemunhu asingazivikanwe kuManyame Park, kuChitungwiza

GUVA riri kuManyame Park, kuChitungwiza, iro rakafukunurwa, marangwanda emunhu ndokusara ava pachena apo mumwe muporofita akazobatwa aba jira jena refuko rainge rakaputira mapfupa aya, harisati rafushirwa.

Guva iri rakazongoonekwa rafukunurwa, mapfupa emunhu ava pachena, asi muporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu ndokubatwa neveruzhinji apo ainge atora jira rainge rakafugidziswa marangwana aya.

Svondo rapera Kwayedza rakaburitsa nyaya yechitunha chakafukunurwa icho, icho chisina ati aziva kuti ndechaani munyaya yatova kumapurisa nekwaMambo Seke, VaStanley Chimanikire.

Mushure mekunge kwadarika mazuva mashoma guva iri raonekwa rakafukunurwa, vanhu veruzhinji vakazodzingirira, ndokubata muporofita wechirume uyo ainge aba jira jena rainge rakafugidza marangwanda echitunha chemunhu aya.

Kunze kwejira raainge aba, muporofita uyu akabatwa aine ndiro kana kuti pfuko yevhu yaive nemvura nemahapa asi ndokutadza kunyatsotaura kuti fuko iri aida kuitei naro.

Mambo Seke vanoti vachakangomirira vimbiso yavakapihwa nekanzuru yeChitungwiza nehofisi yaMudzviti (District Administrator) weko yekuti vachawaniswa zvekushandisa pakugadzirisa nyaya iyi.

“Hazvina kunaka kuti mvura ituruke guva iri risati ragadziriswa. Takangomirira kuti kanzuru nevekwaMudzviti vazadzikise rubatsiro rwavakavimbisa, rwekuti guva iri rivakwe patsva kana kuti marangwanda aya oendeswe kuhama dzemufi,” vanodaro Mambo Seke.

“Sekutaura kwandakamboita nguva yadarika, kana tichinge tawana vanhu vakafukunura guva iri, tichavamisa mudare rangu tovapa mutongo wavo wekutamba nemakuva nevafi. Asi chinhu chikuru tinoda kuti titange taona kuti guva iri ravakwa patsva kana kuti mapfupa aya aendeswa kuhama dzemufi.”

Mambo Seke vanoti sezvo nzvimbo iyi yaigara vanhu vemutupo weVhuramayi vekwaSeke, vanogona kutsvaga vedzinza vaigarapo zvozivikanwa kuti guva iri ringave riri raani.

Mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaZaphaniah Mandirahwe, vanotiwo nyaya iyi yakabva mumawoko avo uye yave kumahofisi aMudzviti wedunhu iri.

“Nyaya iyi hatisisinei nayo isu sekanzuru nekuti yakaendeswa kwaMambo Seke nekwaMudzviti, avo vanova varidzi vevhu. Isu hatisisina zvizhinji zvekutaura,” vanodaro VaMandirahwe.

Mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, VaAlouis Chifinya (40), vanoti pakutanga kwesvondo rino, vakawana zvakare saga ravainge vambovharisa mapfupa emunhu aya rabzviswa izvo zvakaita kuti vafunge kuti pane vanhu vari kutora ivhu repo kana mamwe emarangwanda aya vachinoshereketa nawo.

“Nezuro chaiye ndakadarika nepaguva iri ndikawana saga ratakavharisa pakabiwa jira rabviswa. Ndakazoridzosera pakare, tave kutya kuramba tichiona mapfupa emunhu nekudaro kudai ivo Mambo Seke vauya vagadzirisa nyaya iyi,” vanodaro VaChifinya.

VaMoses Mazhande, avo vane imba iri pedyo neguva iri, vanoti chishuwo chavo ndechekuti guva iri rigadzirwe nekukurumidza.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMudzviti weChitungwiza, VaZivai Chisango.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *