Mari itsva yemaZiG yavepo: RBZ

Debra Matabvu

MARI itsva yemaZiG yavepo uye yamirira kuti ichiendeswa kumabhanga nemamwe mapoka ari mubhizimisi rezvemari zviri pamutemo, vanodaro Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), Dr John Mushayavanhu, vachisimbisisa kuti bhanga guru iri riri kutora matanho akasimba kuitira kuti pave nekudzikama panyaya yemitengo yezvinhu uye nehukoshi hwemari yacho.

Muhurukuro neThe Sunday Mail, Dr Mushayavanhu, vanoti kuendeswa kwemari itsva iyi mumusika kuchaitwa pashoma nepashoma uye nenzira yakasanangurika.

“Reserve Bank yagadzirira zvemhando yepamusoro-soro, apo mari itsva yemaZiG yavepo kuti ichiendeswa mumusika kuburikidza nemapoka ezvemari nevamwe vanotenderwa pasi pemutemo,” vanodaro.

“Kuendeswa kwemari iyi kuchaitwa pashoma nepashoma nenzira yakasanangurika zvichienderana nebudiriro yehupfumi uye kudiwa kwainenge ichiitwa kuti ishandiswe.”

Kuendeswa kwemari iyi mumusika kuri kutarisirwa kuitwa mukati memwedzi mitatu yekutanga yegore ra2026.

Dr Mushayavanhu vanoti izvi hazvizi kuzokonzera kuwanda kwayo sezvo mabhanga achange achitsinhanisa mari yemusvo yaanange anayo neyemaRTGS inenge yakachengetwa neReserve Bank.

“Chirongwa chakazara chichabatsira mukupa chenjedzo pamusoro pezviratidzo zvemari itsva iyi, kusimba kwayo uye kubatsira kwayo kuti nyaya dzemitengo dzirambe dzakadzikama. Nzira ine hungwaru iyi, ichange ichivaka kubva pabudiriro yakaitwa muna2025, zvichiita kuti

pave nekureruka kwemamiriro ezvinhu uye panguva imwechete pasina kukanganisika kwehukoshi nekudzikama kweZiG.”

Dr Mushayavanhu vanoti mitengo yezvinhu pamwechete nehukoshi hwemari mumusika, zvinotarisirwa kuramba zvakadzikana mune remangwana.

Mari yeZiG iri kutsigirwa zvakasimba nemari yekunze yakachengetwa neRBZ iyo parizvino yasvika US$1,1 bhiriyoni.

Mugore ra2025, mitengo yezvinhu yaive yakadzikama sezvo yaisakwira zvisina tsaraukano apo mitengo yepamwedzi nemwedzi yaive pachikamu che0,5 percent pakati paKukadzi naMbudzi.

Kudzikama kwemitengo uku kunoonekwa nekusakwira kwemitengo yezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose izvo zvinosanganisira chingwa.

Hukoshi hwemari mumusika hwakaramba hwakadzikama zvakare apo US$1 raitengwa nemaZiG aive pakati peZiG26 neZiG27 kwegore rose.

Nerimwe divi, hukoshi hwemari mumusika wemukoto wakadzikira zvakare kuenda pa20 percent, kubva pa40 percent apo waive pakutanga.

Dr John Mushayavanhu vanoti vane chivimbo chekuti mugore ra2026 zvinhu zvichange zvichiendeka maringe yeupfumi.

“Mamiriro ezvinhu muna2026 ari kutaridzika kuve akanaka, tichivaka kubva pahwaro hwakasimba hwa2025 zvichitevera kudzikama mune zveupfumi, uye zvichitsigirwa nekusakwira mitengo yezvinhu nehukoshi hwemari hwakaringana nekusimukira kweupfumi nechikamu chinotarisirwa che5 percent GPD pasi pechirongwa cheNational Development Strategy 2 (NDS 2),” vanodaro

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×