Murimi wehove ‘aenda nenyika’ . . . akavakisa imba, ndokutenga motokari

Muchaneta Chimuka

MURIMI wemubhuku raMushaninga kwaMambo Seke, kwaSeke, ari kuita zvinorova kuburikidza nekupfuya hove, izvo zvaita kuti akwanise kuvakisa imba, kutenga motokari nekuve neimwe budiriro yakasiyana-siyana.

VaGift Jeche (54) vanoti vari kuwana mari inodarika US$26 000 mukati memwedzi mishanu mushure mekukohwa hove mumadhamu avo matatu, anove akakura zvikuru.

Mumadhamu aya mune mhando mbiri dzehove: tilapia necatfish.

Mubasa ravo vanobatsirana nemudzimai wavo, Mai Tsvakaiwadi Jeche, vanove murairidzi.

VaJeche havana umbimbindoga sezvo vari kubatsirawo vamwe varimi vemunharaunda iyi nembeu yehove uye ruzivo rwemapfuwirwo adzo.

Vari kupfuya hove idzi pasi pechirongwa chePresidential Community Fisheries Scheme.

Muchirongwa ichi, varimi vazhinji vari kubatsirwa nezvekushandisa neHurumende. Varimi vanodarika 107 vemunharaunda iyi vari kutobatsirikanawo.

“Ndakatanga kupfuya hove mugore ra2016 uye ndakakwanisa kuvaka madhamu matatu. Ndiri kuwana mari inodarika US$26 000 pagoho roga roga. Ndakakwanisa kutenga motokari nekuvaka imba yangu. Tiri kukwanisa kuendesa vana kuchikoro nemari yehove.

Tinochengetawo huku, madhadha nematoki, uye kurima miti yemichero nemiriwo tichishandisa mvura yatinobvisa mumadziva ehove apo tinenge tave kuageza,” vanodaro.

VaJeche vane tarisiro huru yokuti gwaro remutemo usati wadzikwa reFisheries and Aquaculture Bill richabatsira zvakanyanya mukusimudzira chikamu chekupfuyiwa kwehove munyika.

“Hurumende iri kusimudzira nyaya dzekupfuyiwa kwehove senzira yekuedza kuti mhuri dziwane chikafu uye kuti munyika muve nekudya kunovaka muviri. Miono yemberi iyi iri kuunza shanduko nebudiriro, saka tine chivimbo chokuti Bill iri richapa masimba nechengetedzo kuvarimi,” vanodaro.

Vanokurudzira vamwe varimi kuti vatore basa ravo sebhizimusi sezvo ivo vanobata mari zhinji inodarika inowanikwa nevamwe vashandi vanomukira kumabasa zuva nezuva.

VaMilton Makumbe, vanove director weFisheries and Aquaculture Resources Production mubazi rezveminda, kurima, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, vanoti kushanda nesimba kunounza pundutso.

“Nhasi izuva guru rekucherechedzwa kwemurimi ane mukurumbira pasi pechirongwa chePresidential Community Fisheries Scheme nevamwe varimi vekuMashonaland East, avo vari kuita basa rekupfuya hove. Bhizimusi rehove rakakosha nokuti dzinotipa mapuroteni, tinotengesa tichiwana mari muno nekunze kwenyika.

“Hove dziri nyore kupfuya sezvo dzisingadi chikafu chakawanda uye dzinokurumidza kukura, hove muriwo uri nyore kubika, hadzifinhi chero ukada kudzidya zuva nezuva. Dzinokwanisa zvakare kuvandudzwa apo dzinoomeswa kana kuiswa mumagaba,

dzichizodyiwa mushure menguva ndefu, uye dzinomutsira vanhu vari munharaunda mabasa,” vanodaro.

VaMakumbe vanoti kuburikidza nechirongwa ichi, vagari vekumaruwa ari kumatunhu akasiyana-siyana enyika vari kuwana budiriro huru.

“Tichishanda pamwe chete neHurumnede yedu, tine urongwa hwekubura US$1 bhiriyoni kubva mubhizimusi rehove uye upfumi apo tinosvika mugore ra2030. Munyika yose, chikamu chehove chiri kutibudisira hove dzine uwandu hwe31 000 metric tonnes pagore asi nyika ichida 60 000 metric tonnes. Izvi zvinoreva kuti pachine mukaha wakakura, chinova chitsvambe chikuru kuvarimi kuti vashandise mukana uyu nemazvo mukuita mari,” vanodaro.

Vanoti ongororo ichangobva kuitwa yeAquaculture Frame Survey muMashonaland East yakaratidza kuti kune varimi vehove vanosvika 107 mudunhu reSeke asi uwandu uhwu huri kuramba huchiwedzera sezvo riri bhizimusi rine mari.

VaMakumbe vanoti Hurumende ine urongwa hwokuti varimi vehove vange vakachengetedzeka, zvikuru sei kubva kumakoronyera, ayo anovatengesera hove dzekupfuya dzemanyepo. Pari kurongwa kuti pave nemutemo unovachengetedza kuburikidza negwaro

reFisheries and Aquaculture Bill.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×