‘Murume wako handimude’

Gamuchirai  Muzanenhamu

MUKADZI wekugara achirikitwa nemumwe mudzimai uyo anomupomera kuti akamubatikidza achisasana nemurume wake akatozopotera kudare achiti zvanyanya.

Egister Bhunu akamhan’arira Yeukai Chiridza kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu. “Mukadzi uyu anondituka nekundirovera kumba kwandinogara achiti ndiri kudanana nemurume wake,” anodaro.

Anoti Chiridza anoenda kumba kwake achinotuka muridzi wemba nemukoma wake uyo anomuchengeta.

“Ari kuuya kumba achituka muridzi wemba nemukoma anondichengeta achiti vari kugara nepfambi asi ini handidanane nemurume wake uye handimude, ndiri kushaya kuti vakazviwanepi,” anodaro Bhunu.

Chiridza anopikisana nechikumbiro chaBhunu achiti akamurova mushure mekunge amubatikidza aine murume wake akabhadhara mari yefaindi kumapurisa zvikapera.

“Hameno kuti ari kuda runyararo kubva kunani ini ndisisataure naye. Ndakamurova kare ndamuwanikidza arere nemurume wangu ndikaendeswa kumapurisa uko ndakabhadhara mari zvikabva zvapera ipapo. Ndakatoshamisika ava kuuya achiti ndiri kudiwa kudare,” anodaro.

Anoti haasisina basa naChiridza sezvo akaona kuti hazvibatsire kuramba achinetsana naye uye kana achida kuita mudzimai wechipiri wemurume wake, haaone chakaipa.

“Ndakaona kuti kuramba ndichinetsana naye uye kuramba ndichirova shamwarikadzi dzemurume wangu hazvibatsire, kana achida kuuya kuzoita mukadzi wechipiri ngaauye. Handisisina basa nazvo,” anodaro Chiridza.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Bhunu gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *