MAONERO EDU: Zim iri mugwara kuve dura reSadc

ZIMBABWE inotaridza kuti iri mugwara rakanaka rekuti idzokere pachidanho chayo chakare chekuva dura rechikafu mudunhu reSADC.

Izvi zvinotevera kushanda nesimba kuri kuitwa neHurumende yeSecond Republic, yakabatana nemapoka akasiyana-siyana, pakupa varimi rutsigiro mumabasa avo.

Kare, Zimbabwe yaizivikanwa sehurudza mudunhu iri uye inokwanisa kudzokera zvakare pachinzvimbo ichi kuburikidza nekuzvipira kwevarimi uye vachiwana rutsigiro rwakazara.

Mwaka uno, nyika ino iri kutarisira kuwana chibage chinoraudzira nematani 812 000.

Izvi zviri kubva paongororo ichangobva kuitwa neHurumende maringe negoho riri kutarisirwa kuburwa.

Ongororo iyi inotaridza kuti mudura renyika muchange muine matani 3,01 miriyoni, anosanganisira goho riri kutarisirwa rematani 2 928 206 uye matani 83 526 ari mudura pari zvino, kana zvichienzaniswa nematani 2,2 miriyoni anodiwa nenyika pagore.

Hurumende iri mushishi kutsigira varimi vechibage nedzimwe mbesa pasi pezvirongwa zvinosanganisira Pfumvudza, izvo zviri kubatsira varimi kuti vabure goho guru.

Chirongwa chePfumvudza chadzinga nzara mudzimba pamwe chete nemunyika yose.

Izvi zviri kuita kuti nyika dzemudunhu reAfrica dzakasiyana-siyana dzitumire nhume kuZimbabwe nechinangwa chekutevera matsimba emafambisirwo echirongwa ichi.

Kunze kwechibage, Zimbabwe iri kutarisira zvakare goho guru regorosi remuchando zvichitevera budiriro yavepo pakudyarwa kwechirimwa ichi.

Kusvika pari zvino, mahekita anodarika 122 142 adyarwa kana zvichienzaniswa ne120 000 ange akatarisirwa.

Gore rapera, Zimbabwe yakaita zvinorova apo yakakohwa matani egorosi anodarika 560 000.

Izvi zvinoreva kuti uwandu hwegoho iri hwakawedzera zvakanyanya kana zvichienzaniswa nematani 467 905 akakohwewa muna 2023.

Nyika ino inoda matani anosvika 360 000 egorosi pagore kuti akwanirane nezvinodiwa.

Kubva mugore ra1969 kusvika 1999, Zimbabwe yaiwana goho repakati nepakati regorosi rinosvika matani 250 000.

Paraive rakanyanya kukwira, pakawanikwa matani 325 000 muna 1990.

Nerimwe divi, muchikamu chekurimwa kwefodya, zvinhu zviri kuendeka zvakare sezvo kusvika pari zvino makg efodya atengeswa anodarika 309 120 966 kana zvichienzaniswa nemakg 300 miriyoni ainge akatarisirwa.

Gore rapera, makg 209 miriyoni aive atengeswa panguva imwe chete iyi.

Kana pachitariswa budiriro yavepo mukurimwa kwechibage, gorosi, fodya nezvimwe zvirimwa — kusanganisira zvetsanga diki — zvinotaridza kuti Zimbabwe iri mugwara chairo rekuti ive dura rechikafu mudunhu reSadc zvakare.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×