Mhirizhonga panzvimbo dzeveruzhinji nemutemo

ZVINHU zvinorwadza kuti mumwe mudzimai anonzi Lyn Tarisai Chidawaya akarasikirwa nehupenyu mushure mekurohwa nechibhakera nemahwindi pamusika wemabhazi uri kuMbudzi apo akange ari murwendo rwake kuenda kuSouth Africa.

Zvinonzi mahwindi aya akange achirwira kuti mudzimai uyu ange achipinda mumabhazi avo apo mumwe wemahwindi akamukanda chibhakera.

Lyn akange akazvitakura ave nemwedzi minomwe achibva atangisa kurwadziwa zvakanyanya izvo zvakaita kuti aendeswe kuchipatara. Nzira dzakaedzwa kuitwa nemachiremba kuti vanunure hupenyu hwake dzakaramba achibva ashaya iye nemwana wake mushure mekuvhiiwa.

Munguva pfupi yadarika, mumwe mudzidzi wepaHarare Girls High akatsikwa nekombi akafa apo mutyairi wayo akange ari kufamba nemugwagwa achityora mutemo sezvo aifamba akanangana nemota dzaibva kwaaienda.

Ini (munyori uno) ndakambosanganawo netsekwende yekushungurudzwa nemahwindi apo ndakange ndiri kutyaira mumugwagwa waMbuya Nehanda, muguta reHarare apo mumwe hwindi akangomira mumwe wacho achichema achinyepera kunge ari kurwadziwa.

Akabva atangisa kuti ndainge ndatsika sahwira wake. Ndakatyiswa nazvo nekuti pasina nguva diki ndakange ndatokombwa nemahwindi vachiti ndainge ndatsika mumwe wavo. Ndakaitisana navo nharo nekuti ndaiziva kuti ndainge ndisina kutsika munhu.

Kuitisana nharo kwandaiita navo ndikowo kuwedzera kwenharo dzavaiita vachiti ndaitofanira kukumbira ruregerero vachinditukirira. Vakaramba vachiti ndaifanira kukumbira ruregerero asi ndakaramba nekuti ndakange ndisina kupara mhosva.

Mapurisa akazouya ndikaramba mhosva iyi ndichiti taitofanira kuenda kukamba yemapurisa kana ndichinge ndatyaira zvisina hanya. Mapurisa akangonditaurira kuti ndaifanira kubva panzvimbo iyi nemotokari yangu vakataurirawo mahwindi kuti aparare nekuti vamwe vavo ndiwo mabasa kana mitambo yavanoita kuti vawane mari.

Ndakataurirawo shamwari dzangu maringe nenyaya iyi ndikashamisika kuti izvi ndizvo zvinhu zvaiitika muguta kuti kune vanhu vanonyepera kunge vatsikwa nemota izvo zviri kuita kuti vamwe vanhu vange vachirasikirwa nemari yavo inokosha.

Vatengesi vemumigwagwa ndivo vamwe vari panyatwa yekutsikwa nevemakombi apo vanenge vachitiza kanzuru vanotizira nekunevatengesi ava. Kune vakatorasikirwa neupenyu vatsikwa nanahwindi.

Mahwindi anoona semutambo asi kushungurudzwa kwevanhu kuri pachena. Kushungurudzwa nemahwindi kutyorwa kwekodzero dzevanhu uye imhosva inoendesa munhu kujeri. Idzi inyaya dzinoshungurudza mundangariro dziri kuitika munyika izere mapurisa anofanira kuchengetedza runyararo.

Chokwadi hupenyu hunochengetedzwa kana mapurisa nevamwe vabati vemitemo vakaita basa ravo nemazvo munyika ino yeZimbabwe. Sei mutemo usiri kurwisana nenyaya dzemahwindi nevanoshevedzera pamisika yemabhazi (touts)?

Mhirizhonga munzvimbo dzeveruzhinji kutyorwa kwekodzero dzevanhu. Bumbiro remutemo wenyika rinokurudzirwa kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu nekudaro izvi zvinofanira kukosheswa. Kututsira pabumbiro remutemo, tine mutemo

weCriminal Law Codification and Reform Act unotaura mhosva dzakasiyana.

dzinokwaniswa kuparwa nemahwindi apo vanoshungurudza vanhu. Kune mhosva inonzi indecent assault inotaura iyo kuti munhu haafaniri kuderedzerwa hunhu hwake kubudikidza nekubatwa nhengo dzemuviri yake zvisina mvumo.

Mukazvitarisa mahwindi anopara mhosva iyi nguva zhinji achimbunyikidza vanhu kuti vapinde mumotokari dzavo.

Kutukirira kana kuvhara mugwagwa zvatinoona zvichiitwa nemahwindi imhosva pamutemo. Havafaniri kutukirira vanhu kana kuvhara nzira zvokuti vanhu vanoshaya pekupfuura napo. Kune zvakare mhosva inonzi kidnapping. Iyi inoparwa kana uchinge wamanikidzwa kugara panzvimbo yausingadi worambidzwa kufamba. Zvinoita mahwindi zvekumanikidza vanhu kupinda mumotokari dzavo vobva vatyaira vachienda navo imhosva inonzi kidnapping.

Iyi imhosva inotyisa zvokuti kana wabatwa nayo hapana mukana wekuti ubhandare faindi. Unotongoenda kujeri kwenguva refu kwana kweupenyu hwose. Iyi mitemo yataurwa chingori chidimbu chemimwe mitemo inodzivirira vanhu pakushungurudzwa. Zvinosuwisa chaizvo kuti mitemo iyi tinayo asi mahwindi vari kungoita madiro mudhorobha vachishungurudza vanhu.

Zvave kutoda mushandirapamwe kuti tipedze dambudziko rekushungurudzwa kwevanhu panzvimbo dzeruzhinji.

Mapurisa ngaasunge vanhu. Kanzuru ngaiitewo basa rayo. Uye nesuwo ngatisangokwire muchovha panzvimbo dzisingabvumirwe. Ngativei vanhu vakarongeka nokuti vana hwindi vanouya patinenge tiri vachitsvaga mari. Tikamira panzvimbo dzvinobvumirwa zvinotichengetedza.

Chinyorwa chino chakabva kuna Paidamwoyo Mukumbiri (Legal Officer).

 Kana muine mibvunzo munokwanisa kutumira padandemutande rinoti @zwla@zwla kana paWhatsApp nhamba inoti 0777 828 201, tinokupindurai.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×