‘Nyuchi dzakabva muguva’

MHURI yekwaKandambi, kuMhondoro, inoti nyuchi dzekunzi dzakaruma vanhu vaigadzira makuva emhuri iyi nguva pfupi yadarika dzakabva pane rimwe remakuva ari panzvimbo iyi, kwete zvinotaurwa nevamwe vanhu.

Kwayedza masvondo adarika yakaburitsa nyaya iyi apo yakataura neanozviti muzukuru wemumhuri iyi, Sekuru Jim Chiponde, avowo vakarumwa nenyuchi idzi, vachiti hadzizivikanwe kwadzakabva.

Zvisinei, vakuru vemhuri iyi vakashanyira mahofisi eKwayedza nemusi weMuvhuro svondo rino nechinangwa chekuburitsa chokwadi chaicho chakaitika uye kugadzurudza zvavanoti zvakareswa nevakapa nyaya iyi kuvatori venhau pekutanga.

VaWilliam Ruzvidzo (55), avo vanove mwana wemushakabvu ane rimwe remakuva ari panzvimbo iyi, vanoti nyuchi idzi hadzina kungokaruka dzasvika pamakuva apa asi kuti dzakabuda muguva rababa vavo.

“Chakandishamisa panyaya iyi ndechekuti nyuchi dziri kunzi dzakangokaruka dzasvika apa dzisingaonekwi kuti dzaibva nekupi. Zvakaitika ndezvekuti pataivakira makuva aya takakanda zvidhinha pamusoro peguva rababamukuru vangu tisingazivi kuti pakanga paine nyuchi dzaiva dzava kugara mumwena waiva paguva iri.

“Kukanda kwatakaita matombo nezvidhinha izvi kwakapa nyuchi dziya shungu, ndipo padzakatanga kuruma vanhu. Chakaita kuti muzukuru wedu (Sekuru Jim Chiponde) arumwe ndechekuti akaremara, naizvozvo haagoni kumhanya. Saka dzakamubata ndokutanga kumuruma asi vamwe vose takatiza, hatina kurumwa.

“Muzukuru wedu uyu ndiye akarumwa pamwe nemuvakidzani wedu nekuti havana kukwanisa kukasira kutiza sezvakaita vamwe,” vanodaro VaRuzvidzo.

Achipawo divi rake, Tamanikwa Kandambi, anoti ichokwadi kuti vanhu vakarumwa nenyuchi.

“Makuva aya ndeanababa vedu uye zvekurumwa kwevanhu nenyuchi zvakaitika asi chiri kurwadza ndechekuti hapana kutaurwa kana nemunhu mumwe chete wekudzinza kwedu kuti tipewo divi renyaya yacho sezvo tisu taivapo pakaitika nyaya iyi,” anodaro.

VaIsrael Kandambi vanotiwo vamwe vanhu vakataurwa navo munyaya yekutanga vakasanganisa nyaya uye vakataura zvinhu zvemudzinza mavo zvakanga zvisineyi navo. “Zvekurohwa kwemakuva ekudzinza kwedu vaisafanira kuzvitaura nekuti havazvizive. Isu ndisu tinoziva nezvekurohwa kwemakuva ekudzinza kwedu,” vanodaro.

Mukurarama, harisi shura kana chishamiso kuti nyuchi dziwanikwe dzichigara paguva.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×