Murume (40) afa afushirwa nemarasha

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 40 okuberekwa, uyo aiita basa rekutyaira muchina wekutakura marasha weFront End Loader pane imwe kambani kuKwekwe, akafushirwa nemarasha apo akabheuka zvakazokonzera kufa kwake.

  Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko,  vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa27 Chikumi nenguva dza7 mangwanani pakambani yeTiayao Investments kuZIMASCO kuKwekwe.

 Vanoti Cosmas Musoni wekuMbizo 4 Extension kuKwekwe aiva achityaira muchina weFront End Loader achitakura marasha echrome.

 Muchina uyu unonzi wazokurirwa nemutoro wemarasha ndokubheuka uchidzoka kwaari ndokupidiguka matombo aya achibva amufushira zvose nemuchina wacho.

 “Mutyairi uyu akazofukunurwa kubva mumarasha aya nevamwe vashandi ndokutakurwa kuendeswa kuKwekwe Hospital asi akafa achangosvika pachipatara ichi asati abatsirwa,” vanodaro Insp Mahoko.

   Vanoti semapurisa, vanoramba vachikurudzira makambani kuti aone kuti vashandi vavo vakachengetedzeka mumashandiro avo nguva dzose kubva munjodzi dzakasiyana.

 “Makambani anokurudzirwa kutevedza nzira dzose dzinodiwa kuitira kuti vashandi vaite basa zvakanaka pasina matambudziko anovapinza mukukuvadzwa kana mukufa. Tinokurudzirawo mapoka anoona nezvevashandi kuti vapote vachishanyira makambani akatsaukana nguva nenguva vachisimbisa mitemo inoda kutevedzwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *