Kingstone Mapupu
MHURI inobva kumapurazi ekuSana, mudunhu raMambo Musikavanhu, kuChipinge, inoti vari kupera kurasika njere nokuda kwengozi yemurume anonzi akapihwa mukadzi kuburikidza nenzira yekuzvarirwa kwaamai vavo vachiri pwere asi ndokuzoramba kunoita mudzimai wake apo vakange vayaruka.
Mumwe wemwana wemumhuri iyi, iyo ine vana vatanhatu, uyo anoti anoda kungozivikanwa nokuti Jesca (25) sezvo asingazivi surname yake, anoti ngozi iyi iri kuvaonesa pfumvu.
Anoti amai vavo vanonzi vakazvarirwa kumurume uyu, akatobvisa pfuma, asi vakazoramba vakura kuti vaite mudzimai wake.
Kuzvarirwa itsika yaiitwa pasichigare yokuti murume anobvisa pfuma yekuroora kuvabereki vemwanasikana anenge achiri kuyaruka uye ozomutora abva zera.
Asi tsika iyi pari zvino haichatenderwi pasi pemutemo sezvo kuri kutyora kodzero dzevanhukadzi.
“Isu semhuri tatambura zvikuru nokuda kwengozi yemurume aida kuroora amai anonzi akanga akazvarirwa nevabereki vavo kare kare kwatinogara kuChipinge. Murume uyu ainzi Martin Dhliwayo uye anonzi akabhadhara mombe 6 kuvabereki vaamai seroora rekubatira mudzimai,” anodaro Jesca.
Anoti amai vavo vanonzi vakaroodzwa vari mudiki chaizvo, vasati vasvika makore matanhatu okuberekwa.
“Amai vanonzi vari mudiki kudaro vaitomboenda kumba kwemurume uyu vachinotsvaira patsika dzechivanhu, kuratidza kuti vachazova mudzimai wemurume uyu. Zvinonzi dambudziko rakazoitika amai vakura, vave mhandara, apo vakazoramba kuenda kumurume uyu, ndokubva vatizira kune mumwe murume wavakanogara naye ndokuita vana vaviri ikoko,” anodaro Jesca.
Anoti zvisinei nezvakaitika izvi, mombe nhanhatu dzakabviswa seroora naDhliwayo hadzina kuzodzoserwa kwaari.
“Amai vanonzi vari kumurume wavo wavakanga vazvitsvagira uyu, vakabva vazongotanga kurasika njere. Vakazobva pamurume uyu ndokutanga kungofamba nemasango nevana vavo vaviri. Vanonzi vakanga vave kungofamba vachibatwa chibharo nevarume vakasiyana-siyana mudunhu iri reChipinge, ndokuzobereka vana 4 pamusoro, kusanganisira ini, ndinova gotwe,” anodaro Jesca.
Anoti amai vavo vakazongotetereka nemasango nokuda kwekurwara nepfungwa uku, ndokugumisira vave kugara kumapurazi ekuSana, kwakare kuChipinge.
Jesca anoti nanhasi amai vavo vachiri kugara musango, muzvimusososo, pasina dzimba.
“Murume wokutanga akambogara naamai hatina zita rake uyewo isu vamwe 4 takazongoberekwa amai vachinzi vaibatwa chibharo nevarume vakasiyan-siyana. Hatizivi vanababa vedu. Saka masurname edu hatiazivi kana magwaro okuberekwa tose hatina tiri vatanhatu, kusanganisira naivo amai vacho,” anodaro Jesca.
Anoti mumhuri yavo mune vanasikana vashanu nemukomana mumwe chete, uyo vasisazivi kwaari.
“Amai vedu vanorwara nepfungwa; vanongodzungaira kuChipinge ikoko uye vakoma vangu vose vatatu vanorwarawo nepfungwa zvakare. Mukomana uyu hatizivi kwaari. Kuti anorwarawo nepfungwa here hatizivi nokuti anonzi ari kuSouth Africa,” anodaro Jesca.
Anoti dambudziko rekushaya magwaro ekuzvarwa iri riri kupambirawo kuvana vavo vavari kubereka zvokuti vose pamwe chete vasina magwaro aya vanosvika 21.
“Patinofambira nyaya yekurwara nepfungwa kwemhuri iyi tinonzi ingozi yaMartin Dhliwayo iri kuda kuripwa pfuma yake yaakadyirwa akazotadza kupihwa mudzimai wake,” anodaro Jesca.
“Amai vangu tinongoziva kuti vanonzi Grace asi surname yavo hatiizivi. Zvimwe chete nesu vana — hatina masurname; tinongorarama semhuka,” anodaro Jesca.
Anoti ngozi iyi yave kusvika pamukoma wake anonzi Tsitsi, ichitaura kuti inoda kuripwa nemombe pfumbamwe, nemudzimai pamusoro.
Zvakadai, mutemo wenyika hautenderi kuti ngozi kana dzimwe mhosva dziripwe pachishandiswa munhu.
“Hazvina mhosva kuti mutemo wenyika haubvumidzi kuripa ngozi nemunhu, pavana vedu tinogona kungotora kasikana kamwe chete toendesa. Asi mombe ndidzo dzatisina. Dai tawana kumusha kwanasekuru,” anodaro Jesca.
Anoenderera mberi achiti: “Mweya wengozi uyu uri kusvika uchitaura kuti hamusati marwadziwa, ndichakurwadzisai nekukutambudzai, ini ndini Martin Dhliwayo, makadya mombe dzangu. Ndinoda kuti mudzose dzasvika 9 pamombe 6 dzandakakupai nemudzimai pamusoro. Mukatanga maunganidza pfuma iyi ndinokutungamirirai kumusha kwangu kune hama dzangu.”
Anoti kwakanofira Dhliwayo havakuzivi uye hakuna hama yake yavanoziva.
“Dambudziko ravepo nderokuti kuna vanasekuru kwakadyiwa pfuma yemurume uyu hatikuzivi sezvo amai vakazongopomoka vave kurwara nepfungwa. Izvozvi tiri kutsvaga kumusha kwanasekuru kuti nyaya iyi igadzirike. Isu miripo yose inodiwa hatina, hapana kana mumwe chete akaenda kuchikoro mumba medu, ndini ndoga ndakagumira Grade 7 asi handina kuzonyora mazamanishoni nekushaya birth,” anodaro Jesca.
Anoti akatombopindawo chikoro kuTongogara Refugee Camp asi akazotadza kunyora mazamanishoni nokuda kwekushaikwa kwemagwaro ekuzvarwa.
“Isu sevanasikana tiri kungoitiswawo vana pasina kuroorwa. Ini ndakarambwa ndine vana 2, vakoma vangu vane vana vavowo uye vamwe vacho vane vana vavo. Amai vangu vane vazukuru 15, kusanganisira nesu 6, mumhuri yedu tinobva takwana 21 vanhu vasina magwaro ekuzvarwa,” anodaro Jesca.
Anoti akazoenda kuHarare achitevera mumwe mukoma wake ari kurapwa dambudziko rekurasa njere nemumwe muporofita.
“Ndakauya kuno ndichitevera mukoma wangu anorwara nepfungwa uyo akatiza paaiva, ndokutanga kumutsvaga. Ndakazoitawo dambudziko rokuti ndakazotanga kuita sendiri kurasa pfungwa ndichikurura mbatya nekukanda mwana mumugwagwa, ndokuzotorwa nemapurisa,” anodaro Jesca.
Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti vemhuri iyi vanoda kubatsirwa nekukasika kuti ngozi iyi iripwe.
Zvisinei, kune vamwe vanhu vari kubuda pamadandemutande akasiyana-siyana vari kuzviti ihama dzaJesca nevamwewo vanoti akaroorwa nehama yavo avo vari kutaura mashoko anopesana neemudzimai uyu.
Vanhu ava vari kuti mashoko ose ari kutaurwa naJesca haasi echokwadi kunyangwe zvazvo mudzimai uyu ari kusimbirira nenyaya yake.



